‘Kasikai kuongororwa gomarara’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘Kasikai kuongororwa gomarara’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUKADZI wekurarama negomarara kwemakore anodarika manonwe asingazvizive kusvikira rimwe zamu rake razobviswa anoti zvakakosha kuti veruzhinji vagare vachiongororwa kuchipatara nemakiriniki kuitira kuti kana vaine denda iri vabatsirwe nguva ichiripo.

Mai Mwaoneni Mupungi (47) vepanhamba 250 Church Hill Road, kuWaterfalls, muHarare vanoti vakararama kwemakore akawanda vasingazive kuti vane gomarara rezamu.

“Gomarara iri rakatanga mugore ra2009 apo ndaingonzwa kuti muzamu rangu mune bundu.

“Asi handina kuita shungu nazvo nekuti ndaisaziva kuti ndizvo zviratidzo zvegomarara.

“Ndakatozoziva kuti igomarara muna 2014 apo ndakaenda kuHarare Central Hospital ndikanovhenekwa ndokubva zamu racho razobviswa,” vanodaro.

Vanoti muna Ndira 2015, vakazoona nechepadivi pezamu ravakachekwa pava kuita maronda pachizvimba.

Mai Mupungi vanoti vakaenda kuchipatara ndokuudzwa kuti vanofanira kutora mishonga inokosha US$5 500 yechemotherapy.

Vakazobatsirwa nesangano reNewlands Clinic kuti vanoitwa chemotherapy inova yaunza chiedza muupenyu hwavo.

“Muna2014 bundu regomarara iro rainge ravhiiwa rakatanga kukurazve nekuti ndainge ndanonoka kuwana mari yechemotherapy. Muna2015 ndipo pandakazobatsirwa neveNewlands Clinic kuti ndiende kuchemotherapy kutanga mumwedzi waChikunguru ndikapedza mwedzi wapera waMbudzi.

“Hongu, zvinorwadza asi zvinobatsira zvikuru nekuti mukatarisa ronda rangu rekare naiko zvino, pava nemusiyano mukuru. Ndinokurudzira vamwe vane gomarara kuti vaende kunorapwa nekukasika uye vasatye chemotherapy nekuti inobatsira zvikuru, unotoita sewapora,” vanodaro

Mai Mupungi vanoti iko zvino kwasara kuti vachienda kuradiotherapy kuti vanopiswa masero egomarara anenge asara mumuviri mavo uye vachiri kuda rubatsiro rwemari inosvika $2 000.

“Kune vamwe vangu vane gomarara ndinoti hongu munogona kushandisa mishonga yemakwenzi, asi handi yose inopedza gomarara. Nokudaro zvakakosha kupota muchishanyira zvipatara kuti mubatsirwe chirwere ichi chisati chakomba nekuti chinorapika chichipera, kunyanya kana uchinge wakurumidza kuenda kumachiremba,” vanodaro.

Murume waMai Mupungi akashaya muna 2012.

Mudzimai uyu ari kukundikana kubhadharirwa vana vake mari yechikoro sezvo asiri kushanda.

Vangade kubatsira Mai Mupungi vanogona kuvaridzira nhare panhamba dzinoti 0779 764 155 kana kutumira mari neEcoCash panhamba idzodzi. Vanogona zvakare kuisa mari muakaundi yekubhengi ravo reSteward Bank rine nhamba dzinoti 1005557767.

Chemotherapy inzira inoshandiswa nemachiremba mukurapa gomarara kuburikidza nekuuraya masero anokonzera kunyuka kwegomarara mumuviri wose.

Share This:

Sponsored Links