Uncategorized

Katanhatu pazuva . . .vanodiridza maruva nemukaka we’joni’

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Katanhatu pazuva . . .vanodiridza maruva nemukaka we’joni’ Stembeni

Kwayedza

Mafurauzi achibvira moto, Kana kuita seadirwa ropa

Kingstone Mapupu
KASIKANA kanobva kuGokwe ako kanoshanda basa remumba kuDomboramwari, Epworth, muHarare, kari kuti kaona nhamo nekudiridziswa maruva evaridzi vemba nemukaka apo mafurawuzi aya anenge achinganduma moto.

Mwana uyu – uyo afunga zvekutiza basa nekuda kwezvaari kuitiswa – anoti iye anodiridziswa maruva emumba neepanze katatu mahusiku.

Mumwewo mushandi wepamba apa — kakomana kadiki — ndiye ane chijanha chekudiridziswa maruva mamwe chete aya munguva dzemasikati.

Pose panodiridzwa maruva aya nemwana musikana uyu, anoti anonganduma kubvira moto.

Kana achidiridzwa nemushandi wechikomana, maruva mamwe chetewo anonzi ose anotsvuka seadirwa ropa.

Kasikana aka — ako katichangodura nezira rekutanga saStembeni (16) — kanobva kumusha kwaMambo Jiri, kuGokwe.

Mitemo yemuZimbabwe nezvisungo zvesangano repasi rose, reInternational Labour Organizsation (ILO), hazvitenderwe kushandisa vana mabasa api zvawo. Naizvozvo kusevenza basa remumba kuri kuitwa nemwanasikana uyu nemumwe wake wechikomana kutyorwa kwemutemo.

Stembeni anoti akanotorwa kumusha nemudzimai weimwe mhuri yavanogara nayo mumusha mumwe chete kuGokwe achinzi azomushandira basa remumba nekurera vana vake asi akazoshamiswa nekudiridziswa maruva emumba neepanze achishandisa mukaka panguva dzehusiku bedzi.

Stembeni achiratidza ronda riri padama pake iro anoti rakadziuka mushure mekunge apunzika apo aidzingirirwa negudo husiku — Mufananidzo naEdward Zvemisha

“Kune mudzimai wemumusha medu akauya kuvabereki vangu munaGunyana gore rino akandikumbira kuti ndizomushandira kumba kwake kuEpworth. Ndisati ndatanga basa, ndakabva ndaudzwa kuti ndinofanirwa kupota ndichidiridza maruva avo ose nemukaka.

“Maruva aya ari mumigomo mumba nepanze. Ndinongotevedzera izvi mazuva ose, asi ini zvazondiremera,” anodaro mwana uyu.

Stembeni anoenderera mberi achiti, “Ndakaratidzwa mukaka uri mumabhodhoro madiki wakawanda zvikuru uyo unogariswa muwodhiropu yevandinoshandira, ndiwo wandinotora ndodiridzisa maruva. Ini ndinodiridziswa husiku bedzi — katatu, na10 ndombomira, ndozodzokorodza na12 dzepakati pehusiku, ndozopedzisa na2 dzekunze kwoyedza.

“Handitenderwe kukotsira kubva pandinotanga kudiridza kusvika pandinopedza, kureva kuti nguva yangu yekukotsira iduku zvikuru.”

Anoti mukaka unodiridziswa maruva aya unonotengwa kuSouth Africa uko kunonzi mudzimai uyu anoenda kaviri pamwedzi kana kutuma vamwe vake.

“Chinondishamisa ndechekuti pandinenge ndichidiridza maruva aya, ose anobvira moto uyo unodzima apo ndinopedza. Asi, moto uyu haundipise kana kuvheneka kuita mwenje sezvinoita mumwe moto zvisinei nekuti unenge uchiita kunge wemakenduru.”

Stembeni anoti azvipira kutiza pamba apa.

Anoti munguva dzemasikati, maruva aya anodiridzwa nemukaka nemwanakomana weshamwari yemukadzi waanoshandira uyo anosevenza achibva kumba kwavo kuEpworth ikoko.

“Mukomana uyu anouya kuma8 mangwanai otora mukaka muwodhiropu ozotanga kudiridza na10 mangwanani, wogarapo achimirira kudiridza zvakare na12 masikati, ozopedzisa na2 zuva rorereka.

“Chimwe chinonetsa ndechekuti kunyangwe maruva aya akasiyana, anozogumisira atsvuka ose kuita seropa paanodiridzwa,” anodaro Stembeni.

Musikana uyu anoti mukaka uyu ndivo vanouvhura, vodiridza bhodhoro rimwe chete paruva. Maruva epamba apa anodarika makumi maviri.

Stembeni anoti chinomunetsa zvakare ndechekuti paanga achiri pamba apa, airara mumba mumwe chete nevanasikana vaviri vemuridzi wemba, asi zuva roga-roga mai vepo vaifuma vamire vasina kupfeka muimba murere vana ava, apa gonhi rakakiiwa nemukati.

“Amai ava vanoenda kubasa, asi vaingofuma vakamira vasina kupfeka mumba medu votozobuda vave kunogeza.

‘‘Ndaimbovaona vachiuchira vachiita chivanhu mune imwe yedzimba dzavo.”

Mwana uyu anoti iye nemukomana anodiridza maruva nemukaka vanga vakapihwa mhiko dzekusataura vose.

Anoti afunga kutiza basa ndokunopotera kumba kwemumwe mukadzi anogara kuWaterfalls, muHarare.

Kwayedza yakataura naamai vemusikana uyu panhare vachiti vainge vari kuGokwe asi vanotsinhira dambudziko rine mwana wavo iri vachiti vanotoda kuti adzoke kumusha agobatsirwa.

Musikana uyu anoti achiri kuGokwe, vanasekuru vake vaigara vachida kumunwisa ropa rembudzi dzavainge vauraya asi iye achiramba.

“Ndakagara ndiine munyama nekuti vanasekuru vaimboda kundinwisa ropa rembudzi mbishi vachiti chaiva chivanhu ini ndichiramba.

‘‘Panguva iyoyo ndakazosangana negudo husiku rikandidzingirira ndikadonha apo ndakazodziuka ronda risingapore riri padama pangu,” anodaro.

Amai vemwana uyu vakatsengatsenga mukanwa apo vakabvunzwa neKwayedza pamusoro penyaya yekunwiswa ropa kunonzi kwaida kuitwa mwana wavo asi ndokutsinhira kuti akadzidziuka ronda mushure mekunge adzingirirwa negudo husiku.

Kwayedza haina kukwanisa kuenda kumba kwaishanda musikana uyu kuEpworth sezvo achiti anotya kudzokerako.

Votaura pamusoro penyaya iyi, Sekuru Friday Chisanyu — avo vanove nyanzvi mune zvechivanhu — vanoti vana vari kudiridziswa maruva nemukaka ava vakatorombeswa nemuridzi wemba.

VaMunyaradzi Nhengo vekusangano rinobatsira vanhu vanenge vachishungurudzwa nenzira dzakasiyana, reMusasa Project, vanoshora zvikuru nyaya dzekushandiswa kwevana vadiki vachiti iyi imhosva huru.

Share This:

Sponsored Links