Uncategorized

‘Kazvionera pamhuno sefodya’

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti muporofita wekunopinda mubako rinoyera ndokuzonamiramo akazvionera pamhuno sefodya.
“Tinogara tichitaura nguva nenguva kuti mapositori nevamwe vanamati ngavasiyane nekutamba nenzvimbo dzinoyera nekuti vamwe vanofiraMo kana kunyangarika munhu ongonzi akashaikwa. Ngatichengetedzei chivanhu chedu.
“Murume uyu ane mhanza, angadai akauraiwa nemanyin’inya kana kuremadzwa. Asi anoda kubatsirwa kuchivanhu, anogona kupenga kana kuita chirema,” vanodaro VaKandiyero.
Zvakadai, Madzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe Zambuko yekuChitungwiza vanokurudzira vamwe vanamati kuti vatevedze chinamato pasina kutsvaga mamwe masimba echiporofita nekutsaudzira.
“Ngatitsvagei masimba pakubatsira nekuporofita vanhu kubva kuna Mwari kwete kumapako kana kune mamwe masimba asina kuchena,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey