‘Kereke yapinda matsotsi’

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero — Robert ‘Robbie’ Mandiki — otsoropodza zvikuru vamwe vemachechi vari kushandisa zita Jesu Kristu mukubira veruzhinji mari nehumwe hupfumi.

Mandiki — uyo ane kambo kanonzi Kereke Yapinda Matsotsi kari padambarefu rake rechipiri rinonzi Gadziriso Corrections ako kari kunetsa zvikuru pawairesi — anoti akakaimba nekuda kupa chenjedzo kuvanhu kuti vangwarire maporofita enhema.

“Matsotsi awandisa ari kuuya achiti anoita minana yekurapa vanhu ivo vachiba nezita raJesu. Shuwa vanhu vacharohwa nechamboko naMwari nezvavari kuita izvi.

“Mhanzi mutauro unonzwikwa nevanhu saka ndakaimba kambo aka kuti ndipe chenjedzo kuvanhu kuti vasvinure vasarambe vachibvuma kubirwa,” anodaro.

Muimbi uyu — uyo anoimba nziyo dzechitendero nemusambo weSungura — anoti hapana chakaipa kuimba nziyo dzechitendero pachishandiswa mimwe misambo.

“Misambo yese yemhanzi yakakosha uye ngaishandiswe kubika mhanzi yechitendero. Chikuru kuti shoko rasvika here kuvanhu chete,” anodaro Mandiki.

Muchinda uyu kubva zvaakatanga kuimba akwanisa kutsikisa madambarefu maviri uye rekutanga rinonzi Nzwisiso iro akaparura mugore ra2016.

Share This:

Sponsored Links