Uncategorized

Ko Madzibaba vaidei pabira nemasvikiro?

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

KUNE vanhu vanoti Jesu Kristu ndiMwari wevarungu nevapambepfumi. Vanhu vamwechete ivavo vanoti Bhaibheri rakashandiswa nevarungu kutipofomadza vachititorera nhaka yedu.Ndinonzwisisa hasha dzevanhu vatema, asi hasha neruvengo zvine njodzi yekudzimaidza.

Kuma 1930, Shonhiwa Masedza akabatwa neMweya Mutsvene akapedza mazuva akawanda achinamata ari muchikomo chekuMarimba. Mushure mezvo, akapihwa zita rekuti Johani Masowe, akatumwa naMwari kuMhondoro kwaNevanji.

KwaNevanji akasvikira paiitwa bira rekunayisa mvura. Bira iri raitungamirirwa nemasvikiro nemhondoro huru dzaisanganisira Matangira naGoronga.

Johani akapinda mubira mairidzwa mbira nengoma, uye doro richinwiwa. Johani aigashirawo hari dzedoro, oita munamato chinyararire asati apfuudza asina kunwa.

Chakashamisa vanhu ndechekuti kunze kwakayedza pasina akanga adhakwa —nyangwe zvazvo pakanga panwiwa doro rakawanda. Svikiro Matangira rakataura kuti mubira makanga muine munhu akanga atumwa naMwari, uye akanga ane simba rekuponesa mweya yevanhu kubva murufu. Svikiro rakakurudzira vanhu kuti vateerere Johani uye kana zvichibvira vamutevere. Mushure mezvo, Matangira akapa Johani mukana wekuti ataure.

Asi Johani akakoka vanhu vese kuungano yaakanga achizoita musi weChishanu kuMasowe. Ikoko akati ndiko kwaaizotaura nyaya yake.

Ndingadai ndaenderera mberi nezvakaitwa kwaNevanji naJohani, asi handisi kuda kuti tirasike panyaya yedu. Sei Johani akatumwa kuenda kubira rekunayisa mvura munyika ine zita remasvikiro rekuti Mhondoro? Bira raive rakaita seNetwork yefoni pakati pevanhu nemidzimu yavo. Bira rakanga riri “chechi” yevanhu vatema.

Bira izita rinobva pakupira. Bira raive rekupa midzimu doro, fodya, minamato nezvimwewo. Bira ndiro raive rakabata hupenyu hwevanhu vatema nekuti pabira, midzimu ndipo payaitaura nevapenyu.

Pabira, masvikiro ndipo paaisvitsa zvichemo zvevanhu kuna Mwari. Masvikiro akanga ari maPristi.

Saka Johani akaenda kunosvikira ipapo pacho paiitwa chinamato chevatema nemhondoro. Pabira ipapo, vanhu vakanga vaunganira bira remvura, asi vakazoziva kuti Jesu ndiye muridzi wemvura.

Kusvika kwaJohani pamutambo webira kwakanga kusiri kwekuti agotuka nekutsoropodza kuti doro, mbira, masvikiro nemhondoro ndezvechihedheni. Mubira Johani haana kutaura, asi Mhondoro ndidzo dzakataura kuti pakati pedu pane munhu atumwa naMwari.

Kureva kuti basa remhondoro rakanga rapera. Kana basa redoro nekupira midzimu rakanga rapera, uye izvi zvakanga zvisinei nevarungu.

Baba Johani vakanosvikira pabira kuti kunamata kwevatema kuchiganhurwa zvichibva kumhondoro dzacho. Bira rakanga raunganidza vanhu, uye rakanga riri rekupira midzimu, asi zvino ungano yebira yakanga yave kushandurwa kuti ichiita chechi yaJesu Kristu. Johani akanga atumwa kuvanhu vatema, semunhu mutema kwete semumishenari wechirungu. Johani akatumwa kubira, kwete kunhimbe.

Mhondoro huru munyika ine zita remidzimu rekuti Mhondoro ndiyo yakaitwa muparidzi waMwari? Dai Jesu akanga ari wevarungu, mhondoro dzingadai dzakataura kuti pabira pano paita mharadzi. Mhondoro ndidzo dzakatotaura zvesimba raMwari rekuponesa mweya yevanhu kubva murufu.

Ichokwadi chinotaurwa neBhaibheri kuti ruponeso rwaJesu Kristu rwuchasvika kuvanhu vese. Johani kwaNevanji kuMhondoro akazivisa vanhu kuti nguva yekuti Africa inamate yakanga yakwana, uye akanga atumwa kuvanhu vatema kuti vazive Jesu.

Jesu haana kuvinga varungu, asi kuti vanhu vese vagowana hupenyu husingapere. Tsika dzedu dzechivanhu dzaiziva kuti kuna Mwari, asi dzakanga dzisingazive kuti Mwari anogona kutaurwa naye pasina mhondoro, doro nemapira.

Share This:

Sponsored Links