Ko nyika ikapera uchizviita muNaija kana muNinja?

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
ZVAKANZI neshamwari yangu Memory Chirere, “Ndiri kuda kubva mandiri, ndiende kure neni . . .” Ndakatya pamwechete nekunakidzwa nemafungiro ake.

Chirere akanditi, “Chandaitsvaga kwaive kuti ndive nemamwe maonero matsva ndisingakanganiswe nenzvimbo, kana maonero kana mafungiro evanhu andajaira.”

Saka zvinokwanisika kuti munhu unogona kuve mhandu yako. Kana Chirere aida kubva maari kuti aende kure naye, zvinoreva kuti pane munhu kana chinhu chiri maari chaakanga asingafarire uye chisiri iye. Chinhu ichocho chinowanikwa muvazhinji vedu.

Chinhu chinoita kuti usabhadhare chikwereti chehuku dzawakadya asi wobva watonotenga zvako doro. Chiripo here chisiri isusu chinotituma kuti tiite zvatisingade kuita? Ko kana tikange taita zvatisingade kuita, chii chatingaite kuti tisadzokorore zvinhu izvozvo? Mauri, mukati mako mune vanhu vangani?

Rigiyoni akati “Tiri vazhinji.” Ko iwe munhu ari kunze ndiye here mumwe chete nemunhu ari mukati mako? Ko izwi riye remukati rinokutsiura kana kukufurira nderani? Kana uchizvifungisisa munhu waunonyanya kuda ndeupi — wemukati kana kuti wekunze?

Kazhinji munhu wekunze ndiye ane nharo, ndiye anoda zvinhu nekunetseka kuti vanhu vamuone ari zvaasiri. Munhu wekunze ndiye anoda kupfeka zvekuti ndionekwe, ndirumbidzwe nekubvunzwa kuti hembe yako wakaitenga kupi.

Kazhinji tine vanhu vaviri vatinoratidza kuvanhu. Pane munhu watinoratidza vanhu paruzhinji anonzwisisa, asina hasha, ane tsika. Asi munhu iyeye weparuzhinji haasiriye munhu watinoona pedu tega, uye haasiriye munhu chaiye-chaiye. Saka iwe uri munhu upi? Unoratidza hunhu hungani? Ko iwewe chaiye-chaiye ndeupi?

Pauro anotsanangura nyaya iyi achiti, “Zvatiri mutsamba dzatinonyora kana tisipo, ndizvo zvimwe chete zviri muhunhu hwedu kana muchitiona.” Munguva dzino dzeSoshomedia, nguva dzemaWhatsApp, Instagram, Twitter, Facebook nezvimwewo, vanhu vatiri kuona ipapo vakasiyana nevanhu vacho chaivo kana tazovaona.

Munhu wepaProfile Picture akasiyana nemunhu wacho chaiye. Nguva dzino dzatave, vanhu havasisiri munhu mumwe chete, asi vave vanhu kana kuti zvinhu zvakawanda. Musiyano wemunhu waunoda kuti vanhu vaone newe wacho chaiye unogona kutiudza zvizhinji pamusoro pehunhu hwako.

Uri sadza rakapakurwa rikashaya anodya here zvekuti rinenge rakatonhora kunge dova? Kana kuti uri sadza riri kubva pamoto, richiri kunhuhwirira uye richipfungaira zvekuti musuva unonyatsosvinyangika sehurungudo?

Ndinoda kuti ufungisise ugondiudza kuti une hunhu hwepavanhu here nehumwe hwepasina vanhu. Kana uine hunhu hwakawanda, mudiwa wako akadanana nehunhu hupi? Wakamuudza here kuti uri vanhu vakawanda?

Nekuti varipo vanoti vachapfimba kana kupfimbwa vanoratidza tsika nehunhu zvakati chechetere semapeji ebhuku. Asi wozovanzwa vagara vese munhu ave kuti kune mumwe wake, “Haunyatsondiziva mushe . . .” Unobva watanga kuona mumwe munhu asiri wawakadanana naye, kana wawakanga uchiti ndewako.

Zvakanzi nekamwe kasikana kainzi Anna kuEngland, “Mutsauko uri pamunhu nengirozi wakapusa. Ngirozi iri mukati memunhu, asi munhu ndiye ari kunze.”

Panzvimbo yekukumbira Mwari mari, ndinofunga kuti zvakakosha kuti tikumbire kuti tisave vanhu vatisiri kuitira kuti kana tazomira pamberi paMwari, Mwari vasashaye kuti wavo chaiye wavakasika nemufananidzo wavo ndeupi.

Kumbopota uchifunga pamusoro pehupenyu hwako kwakakosha. Unoda kuzvibvunza kuti unoshanduka here kana wakwira murori uchituka vanhu vari kufamba pasi? Ko nyika ikapera uchizviita muNaija kana muNinja — unozopfuurira mberi here nekuve muNaija muNinja?

Munguva dzino dzatiri hongu yedu ngaive hongu, uye kwete yedu ngaive kwete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey