Ko sei kuita munamato wekupenga?

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa

RIMWE zuva shamwari yangu yakauya kuzondiona mangwanani. Akasvikoita zvekuzvikanda muchigaro. Mugariro waakaita wakandifungisa mugariro unoita sadza riye dete-dete mundiro yakatambarara.

Ndakatombotya kuti mugariro waakanga akaita achayerera akasara ave kaguvi kemabvondwe emvura. Ndakati, “Ko zvaita sei nhai Samanyanga?”

Akandipindura nezwi risina simba kunge remunhu aburitswa mumvura ave kuny’ura. Akati, “Ufunge sahwira, ndaneta zvekuneta zviye asi ndisina kana chandaita.”

Ariko mazuva akadaro, ekuti unomuka wonzwa kunge mutsvairo wanga uchitsvairiswa chivanze munguva yaNyamavhuvhu.

Dziripo nguva dzekuti unonzwa sekuti washanda sewanga uchiwacha washeni yehovhorosi dzana makanika 100. Unoita sekuti washanda basa re1 day mu1 hour.

Tiri kurarama munguva dzakaoma. Mari iri kunetsa, zvinhu zviri kukwira mitengo. Mhuri dziri kuda kudya, magetsi ari kuda kutengwa. Kombi dziri kudhura.

Iko zvino kwatave kuenda, zvikoro zvave kuda kunovhurwa. Kuri kudiwa school fees, mabhuku nemaExam fees.

Munhu anogona kuremerwa nemitoro yaakatakura isingaonekwe nemaziso. Kuremerwa nemasutukesi enhamo nezvinonetsa zvehupenyu kunogona kutisiya taneta panyama, mupfungwa nemumweya. Chinenge chavepo ndechekuti nekuti magetsi kunenge kusina, unongozopedzisira warara.

Asi pane kukurumidza kurara kunorwadza nekuti unogona kupepuka na2am hope dzapera, woona kuti magetsi awakarara asiko abatira. Asi unoshaya kuti woitei na2am – nguva dzevaroyi.

MuBhaibheri, kubhuku reMadzimambo 19, muporofita Elijah akasvika panguva yekuti akanga afizuka nekuda kwezvinhu zvakawanda. Kufizuka nekutya, nekutiza pamwe chete nekushaya tariro.

Mambokadzi Jezebel akanga amuudza mashoko ekuti akanga achazomuuraya mangwana chaiwo ezuva raitevera. Mambokadzi Jezebel vakanga vagumbuka nekuti Elijah akanga aurayisa vaporofita vaBhaari. Saka Elijah akanga ave kutiza nekuti aitya kuurayiwa naJezebel.

Kutya nekupererwa kwaElijah kwakamusvitsa pakuita munamato unoshamisa wekuti afe zvake.

Pane nguva dzekuti unonamata kana kushuwira kuti dai wafa, asi Mwari vagokuudza kuti unopenga. Newewo unenge uchipenga zvechokwadi nekuti hakuna munamato wakadaro wekuti “Mwari chindiitai kuti ndife!”

Saka Elijah paakanga afunga kuti afe zvake, akabva arara. Pamwe aida kufira kuhope. Ndinofunga kuti kufira kuhope hakurwadze nekuti unobva wangoyerera. Asi Elijah akarara kudaro, akamutswa kaviri kese nemutumwa achiudzwa kuti, “muka udye.”

Paakanga adya, Elijah akawana simba zvekuti akafamba kwemazuva nehusiku makumi mana kusvikira asvika pabako. Paakanga ave pabako, Mwari vakabva vamuvinga vakamupa rimwe basa rekuita.

Elijah aifunga kuti apera, asi Mwari vakanga vachiona zvakanga zvisiri kuonekwa naElijah. Inguva zhinji dzekuti zviri kuonekwa naMwari nezviri kuonekwa nevanhu zvinenge zvakatosiyana.

Pagurumwandira revanhu vakapihwa kudya naJesu, vadzidzi vaiona zvingwa zvishanu nehove mbiri, asi vadzidzi vaiona miromo nematumbu ane nzara anodarika 5 000.

Tiri munguva dzinonetsa zvinhu, asi dzichapfuura. Chakakosha munguva dzino dzatiri ndechekuti uri kutaura nani? Nekuti kune vamwe vanhu vakamirira kukutaurira zvinotyisa nekukupedza simba zvekuti unongoti “Mwari chindiregai zvangu ndife.”

Ehe, ariko mashoko anouraya nyama nemweya. Mashoko iwayo anouya nevanhu vanotaura kwavasina kuswera.

Paunonamata, usanamatire kuti ufe nekuti Mwari vari kuti haufe nezvauri kufunga kuti zvinokuuraya. Paunonamata, kumbira Mwari kuti umbomira kutyisidzirwa nemashoko eSocial Media. Tizira kuna Mwari uchiziva kuti akati, “Gogodzai, muchazarurirwa.”

Ramba kuvharirwa panze pasina rudo rwaMwari. Ziva kuti kana muchero ukadonha mumuti uchadyiwa, asi kudyiwa kwawo kuchaburitsa mhodzi dzinozodyarwa dzikaita miti yakawanda.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey