Kodzero ngadzirege kurasa gwara

05 Feb, 2015 - 16:02 0 Views

Kwayedza

PANE nhaurwa iri kunetsa mazuvano, nyaya yokurova kana kusarova vana, kunyangwe zvazvo vanhu vachiratidza kunge varasa musoro wenyaya nokuti nyaya iyi ine payakatangira.

Uri kuona kuti mabukirwa ari kutungira panyaya iyi ari kuitwa navanhu vanoda kutaura nhunha dzavo kubudikidza nokurangwa kwavana vechidiki vanonzi ma“juveniles” pachiRungu.

Vabereki vazhinji vari kutsutsumwa kuti matare emhosva ari kuvatorera mukana wokuraya vana vavo, vamwe vachiti kunyange shoko raMwari rinotaura wani kuti, “Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.” (Zvirevo 14:24)

Musi wa17 Ndira vanoshambadza mashoko vakatura mashoko okuti dare reHigh Court rakange ratara mutongo wokuti vechidiki vanenge vawanikwa nemhosva havachaendeswa kunorohwa sezvo zvakange zvisiri maringe nebumbiro romutemo.

Justice Esther Muremba vachitura mutongo pamukomana ane makore gumi namashanu akange awanikwa aine mhosva yokubhinya vakati kumuendesa kunorohwa hazvina chimiro uye zvinodzikisira hunhu. Vakapa mutongo wavo vachitsigirwa nebumbiro romutemo renyika.

Pepanhau reHerald rinoti Justice Muremba vakati mutongo wavo wakatsigirwa namaonero avanoita Section 53 ne86 yebumbiro idzva romutemo. Ndizvo zvakavapa pfungwa yokuti “corporal punishment” haisisiri pasi pomutemo.

Justice Muremba vakati: “What gave rise to the enactment of Section 353(1) of the Criminal Procedure and Evidence Act is the old Constitution of Zimbabwe, which permitted the imposition of corporal punishment on boys below the age of 18 years.”

Vakaenderera mberi vachiti: “While it was constitutional under the old Constitution to impose corporal punishment, what is of significance in the present case is that the accused was sentenced after the new Constitution, that is, the Constitution of Zimbabwe Amendment (No. 20) Act 2013 had come into operation.”

Ndicho chidimbu chaita kuti vanhu vafunge kuti matare ave kuti vana havachafanirwa kurohwa. Asi, panyaya iyi ngatijekeseranei kuti uku kurohwa kwavana vanenge vapara mhosva, mhosva dzinomhan’arwa kumapurisa dzozoendeswa kumatare emhosva. Pamusana pezera, vana vasingaendeswi kumajeri, vaingonzi chete mutongo wako ndewokuti ucharohwa shamhu dzakati kuti, asi dziri shamhu dzokuti kana usiri nhinhi, haufe zvakare wakapara mhosva. Makare-kare vana vainetsa kudai, vaiendeswa kunonzi ku“probation” kwaive nenyanzvi dzokuvaka hunhu hwavo, pasina kurohwa.

Vamwe vanhu vamave kuona vave vana ngana pakati penyu, vakambopfuura noku“probation” kumusha weHighfield, muHarare.

Saka vabereki, nemi maticha gadzikanai hana. Nyatsoverengai mutongo wakapihwa naJustice Muremba, moendawo zvakare kubumbiro idzva romutemo, nebumbiro rakare.

Masangano anoona nezvekodzero dzavana azere uye mazhinji acho anotungamirirwa namagweta. Vese ava vanogona kukupai ruzivo rwakakwana. Nyaya imwe cheteyo ngaitaurwe neChild Parliament. Zviri munyaya zvinosangana navazhinji vavo saka ngavaitaure vopawo pfungwa yavo.

Asiwo, chave kunetsa nenyaya yekodzero idzi ndechokuti kunyange zvazvo mutemo uchiti zvakati, asi imi vanhu mukaona kuti uri kuparadza panze pokusimudza hunhu wenyu munoita sei?

Kodzero dzevana dzazazanurwa zvakanyanya zvokuti vabereki navadzidzisi vave kutosungirwa kugara vari kuzvikoro vachidzidza nokuti zvinhu zvacho hazvichapera.

Nhasi kunouya nyaya dzokuti vana ngavadzidziswe nyaya dzeHIV neAids. Sezvo hutachiona huchiwanikwa navanhu vaenda pabonde (anahwo ozora asina), zvoreva kuti vana vatove kudzidziswa zvapabonde vari vadiki.

Vamwe vari kuti ngavapihwe makondomu okuzvidzivirira, vamwewo vachiti vasikana vechidiki ivava ngavatange kunwa mapiritsi okuronga mhuri. Vana vave kuronga mhuri dzavanoita vari vana?

Zvinhu zvinoda kukurukurwa pamikana yakasiyana-siyana kusanganisira pakati pavabereki navana nokuti zviri kubuda kuti vabereki vazhinji vakasara pazvinhu zvinozivikanwa nokuitwa navana vavo.

Imwe iri kuuya zvishoma nezvishoma (nokuti muSouth Africa yave kutaurwa), inyaya yokuti makore okuti vechidiki vaende pabonde zvisingazonzi vakabatwa chibharo ngaadzikiswe.

Vamwe vari kuti ngaadzike kusvika pamakore gumi namaviri, vamwe vachiti makore mapfumbamwe – makore okuti musikana anenge asingazoti ndakamanakidzwa, asi kuti anenge oti takabvumirana nokuti ane kodzero yokubvuma kana kuramba kuenda pabonde.

Izvi zviri kunzarwo nokuti kune varume vakuru vakawanda vari kubata vana vadiki chibharo, vamwe vavo vachiti idzo pwere idzodzo ndidzo dzavanotoda kuenda navo pabonde.

Saka kana amai nababa vave kuenda pabonde, avawo vana vasati vabve zera vachiita zvimwe chete nokuti mutemo unovatsigira, achazove amai nababa ndiani?

Kodzero dzavana dziri kurasa gwara here? Pavanezenge vave varume navakadzi vakuru ungatsvaga Sodhoma neGomora here kana zvave kunzi mukuru nemudiki hapana musiyano, nokuti hapana chinoitwa nomukuru chisiri kuitwa nomudiki?

Ngatikurukure takasununguka tione,nokuti rudzi rwamangwana rwunomiswa nechokwadi chenyaya dzezvinoti ikodzero yako!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey