Kohwai mbesa diki dzaibva: zfu

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Kohwai mbesa diki dzaibva: zfu Sangano reZFU rokurudzira varimi kushandisa hunyoro hwemvura iri kunaya kudzura nzungu nenyimo dzavo kuitira kuti zvisazomera kana kuwora nekuda kwehunyoro.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vembesa diki dzinosanganisira nzungu nenyimo vokurudzirwa kushandisa mukana wemvura iri kunaya nehunyoro huripo pakudzura zvirimwa zvavo kuitira kuti zvisazosarira muvhu raoma apo mvura inenge isisanaye pamwe nekumera nekuda kwehunyoro zvakare.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaPaul Zakariya vanove  Zimbabwe Farmers Union (ZFU) executive director vachiti kana zvirimwa zvikaramba zviri muvhu zvaibva zvinogona kusvika pakumera kana kuwora.

“Tine varimi vakuru nevadiki munyika muno vanorima nzungu nenyimo nezvimwewo zvirimwa zvinoguma zvamera zvikaramba zvichinaiwa nemvura kana zvasvika, nekudaro tinoti ngatishandisei mvura iri kunaya pakudzura nzungu dzedu nenyimo nezvimwewo,” vanodaro.

Vanoti nzungu kana nyimo dzikamera dzisati dzakohwewa zvinoreva kurasikirwa kukuru kwevarimi.

“Mbeu diki dzakaita senzungu nenyimo ndidzo dzatinotanga kudyara sevarimi vadiki kana vakuru, nekudaro zvirimwa izvi zvinodawo kukurumidza kukohwewa kune vanoda kuzviomesa. Murimi ane hungwaru anokwanisa kutanga kutengesa zvirimwa izvi zviri zvinyoro kune vanobika vachitengesa izvo zvinopa mari zhinji,” vanodaro.

VaZakariya vanoti nzungu nenyimo zviri nyore zvikuru kuzvikohwa pachishandiswa mapadza kuchera pasi kana kurima negejo pane kuzoita zvekudzura nemawoko dzichisarira pasi.

“Kana minda yedu yakakura, tinoita zvekurima tichishandisa hunyoro huriko. Zvakanaka zvikuru kutengesa zvirimwa zvedu izvi zviri zvinyoro sezvo zvichitipa mari yakawanda kuburikidza nekurema kwazvo,” vanodaro.

VaZakariya vanokurudzira varimi kuti vasiyane netsika yekuti minda yenyimo neyenzungu inonzi ndeyemadzimai chete sezvo zvinodzosera basa kumashure zvikuru.

“Tine varimi vanoti minda yezvirimwa zvidiki yakaita seyenzungu, zviyo, nyimo nezvimwewo inonzi inomirira madzimai chete kuchinzi kuminda yechibage nezvimwe ndekwana baba. Hakuna zvakadaro, zvirimwa zvose zvinomirira mhuri zvinofanirwa kurimwa zvakaenzana paminda mikuru kwete kuti mimwe inonzi mikuru mimwe yonzi yemadzimai inoitwa midiki,” vanodaro.

Vanoti varimi vanofanira kukoshesha kurima zvirimwa zvidiki.

“Vanhu vose vane mazita makuru vakabudirira kana vakaenda kuzvikoro zvikuru ukazvitsvaga vakaendeswa nemari yakabva mukutengeswa kwenzungu kana kwenyimo saka ngatiitewo zvose zvinodiwa pakuzvirima,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links