Korera, chokwadi chave pachena!

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

ASI chii nhai? Ndufu dzinokonzerwa nezvirwere zvinobva mutsvina dzakauya tikaungudza, asi zvinoita kunge zvisina kumboitika. Sokuona kwatakaita svondo rapfuura patakanyora nezvetaifoidhi, zvinoita kunge pasina zvakamboitika makore apfuura, kunyanya mugore ra2009 pakapera vanhu nechirwere chekorera mumaguta zvese nekumaruwa.

Mvura iri kuramba ichingonaya yakawanda; makanzuru, kunyanya muguta reHarare, haasi kutakura marara zvinogutsa; masuweji ari kuerera munzvimbo dzakawanda, uku mvura yemupombi yacho kune dzimwe nzvimbo kusina.

Vanhuwo havazorori kungorasa marara pese pese, zvotiwo mikana inofambisa mvura netsvina munguva yokunaya izere namarara ayo ari kubva avharira kufamba kwemvura ichienda kwainoenda.

Korera payakauraya vanhu vakawanda-wanda kudaro, hama neshamwari dzichirambidzwa kuungana, muchakabvu asingaendi kumba, achiiswa mupurasitiki onoradzikwa akadaro, taifunga kuti ichi ndicho chave chikoro chikuru chafundisa vanhu vese, kusanganisira vemuHurumende, kuti utsanana chinhu chakakosha, chinodzingira zvirwere nerufu kure kure; asi kwete!

Zvinoita kunge tiri vatsva vetsambo, vanoda kushandisa mari kune zvinhu zvingadai zvakapera kare kare, kwete kupedzera kumishonga.

Zvinoshamisawo kunzwa nokuona mamwe makurukota eHurumende akashanyira dzimwe nzvimbo dziri kuwirwa nezvirwere zvinokonzerwa nemvura dzakafanana neMusika weMbare, vachishamiswa kuti kune tsvina yakadaro, uye kuti vanhu vari kutambura zvakadaro.

Aiwa, aiwa, aiwa-a! Tinokuremekedzai, asi kubva matanga kuziva matambudziko evanhu nokuti kwanaya zvakanyanya, mvura ikaunza zvirwere kunge musiri vatungamiri vedu vanogara muno muZimbabwe.

Motarisira kuti vanhu vasekerere nokuti makurukota eHurumende avanzwira tsitsi, asi pasina chinoshanduka – vachisara vari mumachakwi emvura, makomo etsvina akazara mazinhunzi nehonye?

Unotanga kuona musiyano wokurarama, nokuti dai zvaikwanisikawo, vanhu vari kutambura nematambudziko asingazivikanwe nevamwe vanhu, vaishandurawo upenyu hwavo.

Kumiririra vanhu, ngarisangove zita chete rokuti ngana inhengo yeParamende kana kanzuru; kana kuti igurukota reHurumende. Asi kuti kumirira vanhu zvinoreva kuve muvanhu, kubatana navo mune zvavanosangana nazvo, uyewo kutakura zvichemo zvavo kumatare azvinofanirwa kunoturwa.

Vanhu vave kuti vaneta nokuona vamiririri vavo, kana kuti makurukota eHurumende kwatoita zidambudziko.

Vanhu vese — vatsigiri veZanu-PF nevasiri vatsigiri —vari kuti nyaya dzekukakavadzana nokusabatana dzinovapei ivo vakatarisana nezvirwere zvinouraya?

Kushaya hany’a here?

Vaverengi, handina kukanganwa zvandakavimbisa svondo rapfuura zvokukupai zvinotaurwa nanamazvikokota pamusoro pechirwere chekorera.

Korera:

Dr Boniface Manyame, mubhuku ravo “Denhe Reutano Neurapi”, vanoti korera (cholera) “chirwere chemanyoka chinotyisa chinokonzerwa neutachiona hwemabhakitiriya hunonzi ‘Vibirio cholerao’.

“Chirwere chinogona kupararira pasi rese kubva panzvimvo yachatangira.

“Chakapedzisira kuonekwa pasi rese muna 1961, chatangira kuIndonesia, chikafamba nemuAsia, ndokusvika muAfrika, nekuArabia, kuEurope nekuAmerica.”

Dr Manyame vanotiwo korera chirwere “chinoparadzirwa nemvura kana kudya zvapindwa nemabhakitiriya ekorera. Chinogona kudzivirirwa kana mvura inosevenzeswa mumba yakashambidzika, uye kugara vanhu vakatsvinda zvikuru pakugadzira zvekudya.

Maoko anofanira kugezwa zvakakwana nemvura yakachena pese panobatwa nekugadzirwa zvekudya.

“Zvekudya zvisingabikwe, zvakaita semichero, zvinofanira kugezwa nemvura yakachena zvisati zvadyiwa . . .”

Vaverengi, pamwe tsvina yakazara uyewo mvura isina kuchena – mumadhorobha nemumaruwa yakatakurana nechirwere ichi.

Kana uchinzwa kuti zvibhorani zvaimbovimbwa nazvo kuti zvine mvura yakachena muHarare, zvizhinji zvine mvura isina kodzero yokunwiwa kana kushandiswa navanhu, woziva zvakare kuti hapana inofurira imwe.

Aziva kwake, aziva kwake kune mvura yakachena kuwana raramo.

Share This:

Sponsored Links