‘Koshesai dzidzo yemwanasikana’  

29 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
‘Koshesai dzidzo yemwanasikana’  

Kwayedza

Abel Ndooka 

ZVAKAKOSHA kuti zvikoro, vabereki nenharaunda vagamuchire vanasikana vanenge vapihwa pamuviri vachiri pachikoro uye dambudziko iri riri kukura zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19 munyika muno izvo zviri kuona vadzidzi vachimbogara kudzimba kwenguva ndefu senzira yekurwisa kupararira kwedenda iri (lockdown).

Kurudziro iyi yakapihwa nevakafanobata chigaro chasachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvedzidzo yepuraimari nesekondari  – Cde Johnson Madhuku – vanomirira Bikita East mudare reNational Assembly pamusangano wakarongwa nesangano reEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI) muHarare svondo radarika.

Cde Madhuku vanoti panguva yelockdown apo zvikoro zvakambozvarwa, vanasikana vane chitsama vakapihwa pamuviri izvo zvakaita kuti vakawanda vacho vasiire chikoro panzira zvisinei nekuvepo kwemutemo unovatendera kuti varambe vachidzidza.

“Tine vanasikana vakawanda vakasiira dzidzo yavo panzira nekuti vakapihwa pamuviri panguva yelockdown apo zvikoro zvainge zvakambovharwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Saka vana ava vanofanirwa kudzokera kuchikoro vanopedzisa dzidzo yavo nekuti mutemo wenyika unovatendera kuti vaenderere mberi nefundo yavo.

“Tinopa kurudziro kuzvikoro kuti ngazvitambire vana ava nekuti ikodzero yavo kuti vaenderere mberi nedzidzo yavo. Tiri kuona kuti kune dzimwe nzvimbo dzinosanganisira kumaruwa kune vabereki nevamwe vanogara nevana vasingazive kuti mwanasikana anofanirwa kuenderera mberi nedzidzo yake zvisinei kuti anenge apihwa pamuviri uye mune zvimwe zvikoro anogona kusatambirwa zvakare. Asi, imhosva nekuti mwana kunyangwe akaita pamuviri anofanirwa kupedzisa dzidzo yake,” vanodaro.

Cde Madhuku vanoti vamwe vevanasikana vanenge vapihwa pamuviri vachiri pachikoro vanogona kunyara kuenderera mberi nefundo nekudaro vanoda kupiwa dzidziso yakasimba yekuti vakwanise kutambira zvavari uye kuti varambe vachifunda vagove neremangwana rakanaka.

“Pane dzimwe nguva, chimwe chinotadzisa vanasikana vanenge vapihwa pamuviri kudzokera kuchikoro inyadzi. Asi zvakakosha kuti tivakurudzire uye vanogona kuenda kune chimwe chikoro kwavasingazivikanwe vonodzidza vakasununguka vachipfuurira mberi nedzidzo yavo.

“Variko vanhukadzi vakawanda vave nemabasa makuru nhasi uno vakapihwa pamuviri vachiri kuchikoro asi vakazokwanisa kuenderera mberi nedzidzo yavo. Dzidzo yakakosha, ngatigamuchire vanasikana vedu zvisinei nekuti vanenge vamitiswa vachiri pachikoro,” vanodaro Cde Madhuku.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaClemence Tauya Nhliziyo vanove programmes manager kusangano reECOZI  vachiti dzidziso yakasimba inofanirwa kupihwa kuzvikoro, kuvabereki nenharaunda vazive kuti vanasikana kunyangwe vakapihwa pamuviri, vane kodzero yekuenderera mberi nefundo yavo.

“Nyaya dzevana vachiri kuenda kuchikoro vari kupihwa pamuviri dziri kuwanda mazuva ano uye vamwe vari muzvikoro zvakasiyana havana kugadzirira kuvagamuchira. Saka tiri kudzidzisana navo tichavazivisa kuti mutemo unoti vana vanofanirwa kuenderera mberi nedzidzo yavo,” vanodaro VaNhliziyo.

Share This:

Sponsored Links