Uncategorized

Koshesai mari yedu

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

BHANGA guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe svondo rino rakazivisa kuti mari itsva yema$2 esimbi ichatanga kushandiswa neveruzhinji kutanga nemusi weMuvhuro unotevera.

 Mari ye$2 itsva iyi, ne$5 yebepa – iyo inotarisirwa kutangawo kushanda munguva pfupi iri kutevera – dziri kuunzwa panguva iyo veruzhinji vakatarisana nedambudziko guru rekushomeka kwemari inenge iri musvo.

 RBZ inoti mari itsva iyi ichange ichishanda pamwe chete neyagara ichishandiswa.

 Bhanga guru iri rinoti zvakare richange richiisa mari itsva pamusika inokosha $1 bhiriyoni nechinangwa chekuti veruzhinji vasatambure nekuwana mari inenge iri musvo yekuti vashandise zvakasiyana zvinosanganisira kubhadhara pakufamba.

 RBZ inoti pari zvino mari yemusvo iri kutenderera pamusika wemari iri inosvika $855 miriyoni iyo inova shoma zvikuru zvinova zviri kuita veruzhinji vanetseke kuiwana.

Kune vanhu vakawanda vari kupedza nguva yakareba vari pamitsetse kumabhanga avo uye vamwe vachitorarapo chinangwa chiri chekuti vawane mari yemusvo yekuti shandise.

Veruzhinji vari kutambura kuti vawane mari yekufambisa iyo inodiwa iri musvo nekudaro kuuya kwemari itsva idanho rinofanirwa kurumbidzwa zvikuru.

Panguva iyo veruzhinji vakatarisira kuuya kwemari itsva iyi, zvakakoshawo kuziva kuti kuti mari iyi ive nechiremerera, zvinotobva mumabatirwo ainoitwa.

Kana veruzhinji vakaikoshesa, ichokwadi kuti mari yacho inobva yasimba nekukoshawo.

Tinodaro nekuti kune dzimwe nhubu dzine katsika kekutengesa mari pamusika wemukoto sezviri kuitika pari zvino idzo dziri kurozva vanhu mari yedikita ravo.

Chokwadi munhu angabve kumba kwake achipinda mukati meguta chinangwa chiri chekunotengesa mari?

Itarisiro yeveruzhinji kuti kuuya kwemari itsva iyi kuchaita kuti matambudziko avari kusangana nawo panyaya yekushaya mari ange achipera.

Kunyangwe muzvitoro zvidiki chaizvo, kana munhu achida kutenga nemari yemusvo, mutengo unenge wakaderera asi kana ave kushandisa RTGS unobva wakwira zvakanyanya.

Uku kubirana kuri pachena uye zviri kukonzerwa nekushomeka kwemari.

Zvakakosha kuti RBZ itore matanho akasimba ekuona kuti mari itsva iyi haipedzisire yave pamusika wemukoto.

Inyaya inorwadza zvikuru kuti munhu anoswera akamira pamutsetse wekubhanga achida kuti atore $50 bond – iyo anogona kutoishaya zvakare – asi vanotengesa mari pamusika wemukoto vaine mazakwatira nemazakwatira ayo iyo vanenge vachizunza-zunza pakati peguta.

Vanotengesa mari pamukoto ava ndiani anenge achimbovapa mari musvo iyi, iyo ichifanirwa kunge iri kumabhanga?

 Iyi inyaya inofanirwa kugadziriswa nekuchimbidza nekuti kutengeswa kwemari pamusika wemukoto ndiko kumwe kuri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu zvisina tsarukano uye zvichidzosera budiriro yenyika kumashure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey