‘Koshesai mitambo muzvikoro’

11 Jul, 2014 - 15:07 0 Views
‘Koshesai mitambo muzvikoro’

Kwayedza

SPIWE JIRI
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese mitambo yakaita semadhirama sezvo vamwe vana vaine zvipo zvinokwanisa kuzovawanisa raramo mune ramangwana ravo. Kurudziro iyi yakaitwa naEducation Officer (Arts and Culture) weMbare-Hatifield District, Mai Spiwe Jiri pamakwikwi emitambo yezvikoro ayo aive nedingindira raiti, “Simuka mwanasikana”, nguva yadarika.

“Vana vechikoro vanoburitsa zviri kuitika matigere zvakaita sekushungurudzwa kwemwasikana kuburikidza nemitambo. Mwanasikana munhuwo anofanirwa kuwana kodzero dzake dzakakwana sekuenda kuchikoro, kuwana zvekudya uye pasina kushungurudzwa kwaanoitwa,” vakadaro Mai Jiri.

“Zvakare mitambo iyi iri kudzidzisa vana kuti vave neruzivo rwezviri mubumbiro remutemo zvinoita kuti vakure vachiziva nekutevedza mitemo izvo zvinovaka hunhu, tsika nemagariro avo.”

Vakati pachazosarudzwa chikoro chimwe chete chichanomirira dunhu reHarare, icho chichakwikwidza nezvimwe zvinobva kumatunhu akasiyana kuBulawayo munguya iri kutevera.

Mai Jiri vakati zvakakosha kuti vadzidzisi pamwe chete nevana vechikoro vakoshese zvidzidzo zvemitambo.
“Ndinokurudzira vana vechikoro kuti vadewo mitambo semabhuku nekuti zvinogona kuvapa raramo mune remangwana,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>