‘Koshesai ruzivo rwazvino’

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Koshesai ruzivo rwazvino’ Prof Mavima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti zvikoro zvinofanirwa kukoshesa ruzivo rwechizvino-zvino kuitira kuti vana vafambirane nenguva.

Vakataura izvi svondo rapera mumashoko avo avakaverengerwa nadeputy director weJunior Education, VaChirume, pakuparurwa kwechirongwa cheMobile Application chekambani yeDotedu Scholars in Discovery.

Prof Mavima vanoti ruzivo urwu rwuchabatsira mukufambiswa kwedzidzo zvichizoita kuti nyika ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvayo zvemaSustainable Development Goals number 4.

“Ruzivo urwu rwauya panguva iyo rwuri kudiwa mukusimudzira dzidzo, zvikuru munyaya dzeInformation Communication Technology (ICT) zvinova zviri mugwaro idzva redu redzidzo. Vana vari kupuraimari nesekondari vari kuita chidzidzo ichi saka zvichava nyore mukufambiswa kwemashoko.

“Kuburikidza neDotedu Mobile Application, varairidzi vachawanisa kugoverana ruzivo nevadzidzi kusanganisira basa ravanenge vachifanira kunoita kumba kureva kuti murairidzi haachasweri muchikoro nemwana kwenguva refu nekuti anogona kungotumira zvinodiwa vana vari kumba.

“Pamusoro peizvi, chikoro chinotumirawo mubereki budiriro iri kuita mwana, kurovha kwake nezvikonzero zvakapihwa, vabereki vanokwanisa kuonawo madzidziro evana vari kumba pachinzvimbo chekushanyira zvikoro vachinoona mabhuku pakati pezvimwe,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti kuburikidza nechirongwa ichi, vari kutarisira kuona kuderera kwekurovha kwevana kuchikoro pamwe nekusimukira kwekupasa kwavo.

VaLovemore Chirongo, vanova director wekambani yeDotedu, vanoti vadzidzi vachange vachiwaniswa zvakare mabhuku ekuverenga kuburikidza neMobile Application iyi kureva kuti vanenge vasingachadhurirwa nekutenga mabhuku muzvitoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey