Koshesai tarenda: Madinda

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Koshesai tarenda: Madinda MADINDA NDLOVU

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu kuzvikwata zvinoti Highlanders nemaWarriors – Madinda ‘Khathazile’ Ndlovu – anoti vatambi vari kusimukira vanofanirwa kuzvininipisa pamwe nekusatungamidza mari mberi kana vachida kusvika kure nemutambo uyu.

Madinda akaberekwa mumhuri yevatambi venhabvu vakaita mukurumbira sezvo kunze kwake kune vanin’ina vake – Peter namushakabvu Adam – avo vose vakatambira Highlanders uye vakazombonotambira kuEurope kuzvikwata zvakasiyana.

Madinda akatambira chikwata chinonzi Emsterdam 05 chekuGermany uye aive muchikwata chimwe chete naHenry Mckopo pamwe naWillard Khumalo.

Panguva iyi, nhabvu yaisabhadhara zvakanyanya sezvayave kuita mazuva ano.

“Nhabvu iyi kana uchida kubudirira unofanirwa kuzvininipisa, ndochikuru uye uchishanda nesimba nekuti pasina izvozvo hapana kwaunosvika unogona kunge une tarenda asi richingofira mudondo.

“Vechidiki vakawanda tiri kuvaona vachingorasika sezvo vasingaterere uye vachikura musoro izvo zviri kuvakanganisa kubudirira. Asi ukangozvininipisa chete basa rako rinofamba unoenda kure,” anodaro.

Achitaura neKwayedza svondo radarika apo ainge atamba mumutambo weZimbabwe Warriors Legends vs Barcelona Legends, Madinda anoti mari ndiyo yave kutonga nhabvu mazuva ano.

Anoti vamwe vatambi vari kukura musoro mazuva ano izvo zvinogona kuvakanganisa sezvo vamwe vave kunyanya kutungamidza mari mberi.

“Izvi zviri kukonzerwa nevamiriri vevatambi vaveko makore ano avo vanoenda kuzvikwata vachinoti mutambi wangu ari kuda ichi neicho kuti akutambirei.

“Isu tichitamba nhabvu tainzi tanga watamba kuti tigokubhadhara asi mazuva ano vapfana vave kuti tangai madhibhadhara kuti nditambe nhabvu,” anodaro Madinda.

Anoenderera mberi achiti, “Taive tisina vamiriri vaitimirira kutsvaga chikwata kana kuenda kunotaura kuti ndoda mari yakawanda sei.

“Taingotaura nechikwata tobvumirana zvinodiwa kumativi ese bhora rotambwa. Iye zvino mumiriri wako anogona kutofonera chikwata akagara kana pachemba chaipo achichiudza kuti bhadharai mari yakati kuti mutambi wangu atambe. Isu taipinda muhofisi nekuti nharembozha dzainge dzisati dzaveko, shuwa mungaite hurukuro panhare mumwe akatogara hake pachemba chaipo?”

Anoti vatambi venguva yake vaikoshesa kuumba mazita avo kwete kutungamidza mari mberi.

“Ndokusiyana kwazvaita nhabvu yacho yekare neyazvino. Isu taive tisina basa nemari taitamba nhabvu nekuti taiida chaizvo uye yaive muropa redu sezvo takabva mumhuri yenhabvu,” anodaro.

Zvakadai, kubva Madinda asendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu, akatanga kurairidza nhabvu izvo zvakamuona achirairidza zvikwata zvinosanganisira Highlanders, maWarriors nezvimwe zvekuBotswana.

Share This:

Sponsored Links