‘Koshesai zvidzidzo zvemabasa’

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko uye kuti zvisangomirire rubatsiro kubva kuHurumende, asi kuti zvitange mabhindauko anozviwanisa mari.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaGardiner Chikoore avo vanova mukuru weMbizi Secondary iri kuHighfield, muHarare.

Muhurukuro yavakaita neKwayedza, VaChikoore vanoti pachikoro chavo vari kuita mabhindauko ekurima chibage nezvimwe zvirimwa.

“Takwanisa kurima mahekita matatu echibage, sugar beans takarima chidimbu chehekita nezvimwe zvirimwa izvo tinotengesa tichiwana mari yatinoishandisa kuvandudza chikoro chedu nekutenga zvimwe zvakaita semabhuku ekuverenga,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Ngatisamirirei Hurumende mukuvandudza dzidzo pamwe nekusimudzira zvikoro, asi kuti ngatiedzei nepose patinogona kuita mabhindauko anovandudza dzidzo munyika, pashoma patinogona ngatishandei.”

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Beauty Marekera, avo vanova mudzidzisi weAgriculture pachikoro ichi, vachiti zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakakosha. “Chidzidzo chezvekurima chiri kutipa mukana wekuvandudza chikoro chedu,” vanodaro.

Vanoti nekufamba kwenguva, vane tarisiro yekuchengeta zvipfuyo zvinosanganisira tsuro, nguruve nembudzi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey