Kuba kuba, kuuraya kuuraya!

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

KWASARA masvondo maviri kuti vanhu vapinde muzororo reEaster, zororo rokurangarira kurovererwa pamuchinjikwa kwamambo Jesu Kristu, kufa kwavo nokuvigwa nokuzomuka kuvafi mushure mamazuva matatu. Nhoroondo dzinoti zvese izvi zvakaitika makore zviuru zviviri (2 000) zvakapfuura.

Tichigadzirira zororo redzikinuro iyi, nokuwanirwa upenyu husingaperi, ngatibatei zvimwe zvinhu zvinoita kuti vanhu vasafambe muchitendero chinozadza mukombe.

Kana tichitaura nyaya yokuba kana umbavha takamira pashoko raMwari rinoti “usaba”, kana kuti “usauraya” vamwe vanofunga kuti havamo mumabasa akaipa aya. Vanofunga kunti zvinoitwa naananhingi vari kumajeri okuChikurubi kana kuMutimurefu. Chavasingazivi ndechokuti vanenge varimo.

Totanga nyaya youmbavha. Mbavha hadzisi dziya dzinopaza dzimba dzavanhu kana mabhangi chete, kana kubvuta zvikwama. Kuba kuri pakawanda, uyewo, kuba kuba chete, zvisineyi kuti watakura bhangi rese here kana kwete.

Vari pamabasa, vangani vanotora zvinhu zvokubasa voenda nazvo kudzimba dzavo, voona kunge vane kodzero?

Zvingave zvinyoreso, mabhuku namapepa okunyorera, kushandisa foni yebasa uchiita zvinhu zvako kana kuba nguva yebasa chaiyo uchiita twunhu twako.

Vamwe unonzwa vachiti ndopatinotodyawo zvekambani kana zveHurumende. Vamwewo vachiti, nguva yandinoshanda inoenderana nomugove wandinopihwa. Asi pavaitsvaga basa, vakatsidza kuti vanogona kutoshanda maawa akapfurikidza pasina mubhadharo.

Mazuva ano vanhu vanotsigira zvinhu zvavasingazivi kuti umbavha vachiti, “Nokuoma kwaita upenyu ndingazviite sei?” Hongu ungazviite sei, asi uri kubira mushandirwi wako. Ungazviramba, asi humbavha hwauri kuita.

Vamwe vanomononora mapepa anoshandiswa muzvimbuzi zuva nezuva vachienda nawo kudzimba. Kwavari kungotora, uye vanofunga kuti vane kodzero.

Hama, kuba! Uri mbavha kana uri kuzviita. Dai Mwari vanenge vachiona zvese zvauri kuita vaitaura kuvakuru vebasa, ungapararama here nokuti hapana umbavha hukuru noumbavha hudiki? Ngazvipinde muhana nokuti ndozvazviri!

Toenda kumutemo unoti usauraya. Tese tese tikabvunzwa kuti tiri mhondi here, tinogumbuka, nokuti takatora kuuraya sokungotora upenyu hwomunhu.

Asi mumwe mufundisi wechitendero chechiKristu akati Svondo rapfuura:  “Chenjerai nokuti Mambo Jesu vanoti kubhuku raMateo 5:21-22, kutsamwa pasina chikonzero uyewo nokuramba kuregerera vakutadzira mabasa ohumhondi atinoita mumwoyo. Jesu vanoti mutemo waMozisi unoti usauraya, uyewo anouraya achatongwa. Asi, ndinokuudzai kuti ani nani anotsamwira hama yake, anofanirwa kutongwa.”

Anobvunzawo kuti kana zvakadai, saka “takauraya” hama dzedu kangani nokugumbuka kwedu, nokusada kuregerera noruvengo?  Rungani rwatakaita mabasa echihwande-hwande tichida kuparadza vamwe vanhu nokuvanyeya, uyewo nokutotaura mazwi orufu pamusoro poupenyu hwavo kusanganisira mabasa avanobata?

Yambiro ndeyokuti ngatinzvere hana dzedu kuti tione kuti hatina kutakura pfungwa dzokuuraya kwenzira iyi here, vamwe tichiramba kuregerera vatitadzira, asi tichida kuti Mwari vatiregerere. “Ramba kuuraya vamwe vanhu namazwi anobva mumukanwa mako, sezvaunoonawo kuti hazviite kuponda munhu.”

Saka ngatirege kuzvinyengedza, nokuti kuba, kuba; uyewo kuuraya, kuuraya! Mukuzazanura zvazvinoreva, tinoona kuti hazvirevi zvatazivira chete.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey