Kubaiwa majekiseni kwofamba nemazvo

04 Mar, 2021 - 11:03 0 Views
Kubaiwa majekiseni  kwofamba nemazvo Sen Mutsvangwa

Kwayedza

 Tandayi Motsi

HURUMENDE yakaumba chikwata chenyanzvi chinosanganisira vanamuzvinafundo, bazi rezveutano nekurerwa kwevana nevanoona nezvetsvakurudzo (Research and Clinical Services) kuti vaongorore mashandiro ari kuita mushonga uri kubaiwa vanhu wekudzivirira kuti vasabatwe nechirwere cheCovid-19 (vaccines).

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti chikwata ichi ndicho chichapa gwara maringe nekuti chirongwa chekubaiwa majekiseni chofambiswa sei.

“Hurumende yakaumba chikwata chenyanzvi kubva kunavanamazvikokota vedzidzo, bazi rezveutano nekurerwa kwevana nenyanzvi dzekuita tsvakurudzo icho chiri kuongorora mashandiro ari kuita mushonga uyu.

“Chikwata ichi ndicho chichapa gwara pamusoro pezvinofanirwa kutevedzwa pasi pechirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Pari zvino hapasati pave nezvakaipa zvati zvaonekwa zvichitevera kubaiwa kwevanhu majekiseni aya, kusara kwenyaya yemunhu mumwe chete akangoita tumhezi (rash) twushoma.”

Vari kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 pari zvino vanosanganisira vashandi vari pamberi mukurwisa kupararira kwedenda iri, vabati vezvemutemo, vatori venhau, vakwegura nevane zvirwere zvinogona kuvaisa panjodzi yekubatwa neCovid-19.

Vamwe vari kubaiwa ndevanoshanda pamiganhu yenyika, vemumakambani anoviga vafi neveAgritex.

Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kutenga mamwe majekiseni akawanda emushonga wekudzivirira Covid-19.

Nyika yeChina yakabatsira Zimbabwe nemajekiseni 400 000 emushonga wemhando yeSinopharm vaccine.

Hurumende yakatenga mamwe majekiseni emushonga uyu 600 000 kubva kuChina ayo anotarisirwa kusvika munyika munguva pfupi iri kutevera.

Pamusoro pezvo, nyika dzinosanganisira Russia, India neUnited Kingdom dzakavimbisa kubatsira Zimbabwe nemushonga uyu.

Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho aripo ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.

“Zviri kuonekwa kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikira nekuda kwematanho ekudzivirira kupararira kwedenda iri akatorwa munyika yose,” vanodaro.

Hurumende nemusi weMuvhuro yakanyevenutsa matanho ekurwisa Covid-19 zvichitevera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nevari kufa nechirwere.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 36 148 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 32 989 vakatopona asi vamwe 1 472 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey