Kubatwa huruweki nembavha pakati peHarare, masikati

23 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
Kubatwa huruweki nembavha pakati peHarare, masikati Asst Insp Dzvova

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI ane makore 28 okuberekwa wemuHarare akashurwa mare masikati machena pakati peguta apo akadzipwa pahuro nembavha dzainge dzamutakura iye nemumwe murume nemotokari yavo vachibva vabirwa mari nemidziyo inokosha US$700.

Mercy Chipendo wekuTynwald North naNobert Zhiwawo (43) wekuSouthlands, kuWaterfalls, muHarare zvakare ndivo vakasangana netsekwende iyi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa20 Kubvumbi munguva dzemasikati apo vamhan’ari vaviri ava vakakwira motokari yemhando yeToyota Raum ine ruvara rweblue vachida kuenda paJoina City panosangana mugwagwa Jason Moyo Avenue naJulius Nyerere.

“Vasvika panaHebert Chitepo Avenue na6th Street, muHarare mekare, chinova chinhambwe chemamita 20 kubva pavakatakurirwa, Chipendo akabva adzipwa pahuro nemumwe murume aive mumotokari iyi achiti anoda zvinhu zvose zvinokosha zvavaiva nazvo. Vaviri ava vakabva vavapa mabhegi madiki avaive nawo, nharembozha yemhando yeHuawei Y5 uye mari US$650,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanoti mushure mekubira vamhan’ari, makororo aya akavasaidzira kunze kwemotokari achibva atiza.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa eZRP Five Avenue.

“Makororo maviri aya haasati abatwa uye tinokumbira vane ruzivo maringe nemakororo aya vazivise mapurisa ari pedyo navo. Tinoramba tichiyambira veruzhinji kuti vasakwire motokari dzemushika-shika nekuti dzine njodzi kuupenyu hwavo uye mikana yekubirwa inowanda kana kuuraiwa chaiko.

“Tinoti zvekare vanhu vanenge vasangana netsekwende dzakadai zvakakosha kungopa makororo acho zvavanenge vachida nekuti kana ukada kupikisana nawo unogona kurasikirwa neupenyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links