Kubika bota remauyu

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Kubika bota remauyu Bota remauyu

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU na Muchaneta Chimuka
BOTA rinobikwa nehupfu hwemauyu manyautsa mukanwa chaiwo sezvo richipa simba nekuvaka muviri uye mumauyu tinowana iron iyo inosimbisa mapfupa nekudzinga zvimwe zvirwere.

Bota remhando iyi rinodyiwa nevanhu vemazera ose.

Placxedes Maiba wekuChipinge svondo rino anokuunzirai mamwe mabikirwo ebota iri.

Zvinodiwa:

Chikari, huni, mauyu, sefa, shuga, tuhupfu nemvura yakachena.

Mabikiro:

Nyika mauyu mumvura inopisa. Mushure memaminitsi gumi, chikuna mvura yacho uchirasa mhodzi. Kuna kana kuti mimina uchishandisa jira rakachena kana sefa.

Tora mvura iya woiisa muchikari.

Gadza pamoto wehuni kana wemarasha woisa twuupfu twushoma kuti zvikwanise kukwata zvakanaka.

Isa shuga yakaringana, wosiya zvichimbokwata kwemaminitsi angasvika gumi.

Wozodii?

Kana bota iri raibva, bura udye nemhuri. Bota remauyu rinogona kuiswa dovi kana majarini, sarudzo ndeyako.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti: +263 713 411 281.

 

Share This:

Sponsored Links