Kubika howa nemazvo

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Kubika howa nemazvo

Kwayedza

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka—

HOWA hune kudya kunovaka muviri kunodaidzwa kuti mapuroteni uye mudya ndakasungwa kana huchinge hwabikwa zvine unyanzvi.

Svondo rino Mai Tendai Muchawaya vekuChipinge vanotsanangudza mamwe mabikirwo ehowa.

Zvinodiwa:

Howa hwemhando yaunoda, munyu, matomatisi, hanyanisi, godzamuto rehowa (mushroom soup) negarlic.

Mabikiro:

Geza howa huchene.

Isa muchikari, woisa makomichi maviri emvura.

Siya hukwate kusvika hwaibva. Isa mafuta wokanga.

Chekerera hanyanisi, matomatisi pamwe chete negarilic.

Isa munyu wakaringana woramba uchikanga.

Kana zvatsvukira, isa godzamuto rehowa kuti usare uine muto wakakora.

Wozodii?

Chibura unakirwe iwe! Howa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde. Vamwe vanodya nemupunga.

Asi, tapota musatenge howa hwemumikoto kana kunongotengeswa mumigwagwa nekuti munogona kutengeserwa makorwa mukafa. Tengai muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links