Kubika mazondo emombe

21 Jun, 2014 - 17:06 0 Views
Kubika mazondo emombe

Kwayedza

SADZA ZONDO
Zvinodiwa:

Poto, chikari
Mugoti, chipunu
Mazondo akaparwa nekuchekwa zvakanaka
Mvura

Mabikirwo anodiwa:
Tora mazondo wosuka nemvura inopisa kuti anyatsochena, wogadza chikari kana poto pamoto.
Isa mvura yakawanda woisa mazondo ose imomo, chikwidibira zvombokwata kwemaawa mashanu uchipamhidzira mvura nekupindura-pindura kuti zvisatsve. Kana ave kubva pamabhonzo anenge aibva zvakanaka nekudaro chiisa munyu wakafanira wobura usavi hwako.
Munogona kudya nesadza rezviyo kana nemupunga mutsvuku wemudoro. Usavi uhu hunochengetedza mapfupa emumuviri kuti agare akasimba

Share This:

Sponsored Links