Kubika muboora une dovi

27 Oct, 2022 - 11:10 0 Views
Kubika muboora une dovi Muboora une dovi

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU

naMuchaneta Chimuka

MUFUSHWA wemuboora une dovi kudya kunovaka muviri zvakanyanya.

Svondo rino Mai Tino Berejena vekuGuruve vanotsanangudza mamwe mabikirwo emhando yepamusoro yeusavi uhu.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, muriwo wemuboora wakafushwa, hanyanisi, matomatisi nemunyu.

Mabikiro:

Tora hanyanisi nematomatisi wosuka nemvura inotonhora.

Cheka kuita zvidimbu zvidiki wogadza chikari kana poto pamoto.

Isa mvura uye kana yave kufashaira, tora muriwo woisa imomo kwemaminitsi gumi.

Chiisa hanyanisi imwe nematomatisi maviri, wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi mashanu.

Isa dovi zvipunu zviri woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwatakwata.

Muto wacho, isa munyu mushoma.

Raidza kuti zvaringanna here wobura.

Munogona kudya nesadza rezviyo, remhunga, kana rechibage.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links