Kubika mufushwa wehowa une dovi

04 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Kubika mufushwa wehowa une dovi Howa hune dovi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUFUSHWA wehowa unonaka zvikuru kana uchinge wabikwa nemazvo. Tinowana mapuroteni uye iron kubva muchikafu chemhando iyi.

VaRobert Chimonyo vekuGlen Norah A, muguta reHarare, vanotsanangudza mamwe mabikirwo ehowa.

Zvinodiwa:

Komichi imwe chete yemufushwa wehowa, mafuta, dovi, madomasi, hanyanisi nemunyu

Mabikiro:

Fashaidza mufushwa wehowa muchikari.

Bvisa mvura yese uhugeze wokanga hanyanisi dzacho.

Chekerera madomasi wokanda uye kana paita muto wakakora, kanda howa hwako.

Kurungira dovi mumvura shoma wobva waisa.

Isa munyu wakaringana wosiya zvichikwata.

Kana howa hwako hwaibva, hunoonekwa nekupfava.

Kana zvadai, chibura udye nehama neshamwari.

Unogona kudya usavi uhu nesadza rezviyo, jena, remapfunde kana remhunga.

Vamwe vanofarira kuhudya nemupunga, isarudzo yako.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: +263 773 394 753 kana +263 713 411 281

. Onai zvimwe pamasai-sai anoti: www.kwayedza.co.zw

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey