Kubika mufushwa wemuboora une dovi

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Kubika mufushwa  wemuboora une dovi

Kwayedza

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa kushandiswa:
Chikari, poto kana pani
Mugoti, chipunu
Muriwo wemuboora wakafushwa
Hnayanisi, matomatisi
Munyu

Mabikiro anodiwa:
Tora hanyanisi nematomatisi wosuka nemvura inotonhora, cheka kuita zvidimbu zvidiki.

Gadza poto, chikari kana pani pamoto woisa mvura uye kana yave kufashaira tora muriwo woisa imomo kwemaminitsi gumi.

Chiisa hanyanisi nematomatisi wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi mashanu.

Isa dovi zvipunu zviviri woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwata-gwata.

Muto wacho isa munyu mushoma, raidza wobura usavi hwako.

Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage uye uku kudya kwechivanhu kunovaka muviri.

Share This:

Sponsored Links