Kubika mutakura wenyimo

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Kubika mutakura wenyimo Mutakura wenyimo

Kwayedza

MUTAKURA wenyimo kudya kwechinyakare uko kunokurudzirwa neveutano kuti vanhu vadye nguva nenguva sezvo muchiwanikwa mapuroteni, macarbohydrates neiron izvo zvinoita kuti muviri ugare wakangwinya.

Svondo rino tiri kubikirwa mutakura wenyimo naAmon Ngoro wekuMufakose, muHarare.

Zvinodiwa:

Chikari, nyimo dzakaoma dzakamenywa, munyu, mvura nemugoti

Mabikiro?

Tora chikari chakachena wodira komichi imwe chete yenyimo. Isa makomichi mashanu emvura woisa pamoto.

Ita kuti moto unge uchipisa zviri pakati nepakati kuitira kuti dzisatsve. Ramba uchiwedzera mvura kusvika dzaibva, wozoisa munyu wakaringana.

Pota uchipindura nemugoti kuti nyimo dzose dziibve.

Wozodii?

Kana zvadai, chigadzirira kunakirwa nemutakura wenyimo!

Nyimo dzinogona kunwiswa svutugadzike, mahewu kana zvimwe zvinwiwa nekuti dzinodzipa kana ukadzidya dzakadaro.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey