Kubika mutakura wenyimo

06 May, 2021 - 13:05 0 Views
Kubika mutakura wenyimo

Kwayedza

MUTAKURA wenyimo unovaka muviri sezvo muine mapuroteni uye macarbohydrates izvo zvinovaka muviri nekutipa simba.
Svondo rino Plaxedes Mwaimba wekuChipinge anotitsanangurira mamwe mabikirwo emutakura.

Zvinodiwa:
Nyimo dzakamenywa dzikaomeswa, mvura yakachena, munyu, chikari nemugwaku.

Mabikiro:
Geza nyimo dzinokwana makomichi maviri kana matatu zvichienderana nehuwandu hwemhuri.
Isa makomichi gumi emvura muchikari wozodira nyimo imomo.
Chidzifashaidza kwemaminitsi 30.
Isa munyu wakaringana kana dzichinge dzaibva womona zvishoma asi usaite kuti dzipwanyike.

Wozodii?

Kana zvanyatsosangana chipakura udye dzichidziya.
Usazodya dzapora nekuti dzinoronda kana kudzipa.
Usakanganwa kuisa chinwiwa pedyo angava mahewu, svutugadzike, kana mvura chaiyo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281 kana +263 773 394 753

Share This:

Sponsored Links