Kubika mutakura wenyimo

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Kubika mutakura wenyimo

Kwayedza

NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira vanhu kuti vapote vachidya chikafu chakaita semutakura wenyimo uyo unonzi une zvose zvinovaka muviri uye uchigutsa. Pamusoro pezvo, iyi imbuva yeparwendo.

Svondo rino Tendai Muchawaya wekuChipinge anotsanangura mabikirwo emutakura uyu.
Zvinodiwa:
Chikari, nyimo dzakamenywa uye dzakaomeswa, mvura nemunyu.
Mabikiro:
Tora chikari chakachena wodira komichi imwe chete yenyimo dzakamenywa.
Isa makomichi mashanu emvura woisa pamoto.
Ita kuti moto wako unge uchipisa zviri pakati nepakati kuitira kuti dzisatsve.
Ramba uchiwedzera mvura kusvika dzaibva, woisa munyu wakaringana.
Wozodii?
Kana zvadai, chigadzirira kunakirwa nemutakura wenyimo!
Nyimo dzinogona kunwiswa svutugadzike, mahewu kana zvimwe zvinwiwa nekuti dzinodzipa kana ukadzidya dzakadaro.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links