Kubika nyama yemaguru zvakavandudzwa

21 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Kubika nyama  yemaguru zvakavandudzwa

Kwayedza

MAGURUKenneth Chikeya
Zvinodiwa kushandisa:
Poto, chikari, pani
Nyama yemaguru
Hanyanisi
Matomatisi
Dovi
Munyu

Mabikiro:
Tora nyama yemaguru wocheka kuita zvidimbu zvakanaka, suka matomatisi nehanyanisi wocheka muzvidimbu zvidiki.

Gadza poto, chikari kana pani pamoto woisa nyama imomo nemvura shoma.

Rega zvimbokwata kwemaminitsi makumi mana uye kana mvura yapera isa hanyanisi nematomatisi.

Ramba uchikanga kwemaminitsi gumi, isa dovi zvipunu zviviri nemvura woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwata-gwata.

Raidza kuti zvaibva here wobura.

Munogona kudya nesadza remhando yamunoda.

Share This:

Sponsored Links