Uncategorized

Kubikira sadza mubhara idzo poto dziripo

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

KUBIKIRA sadza mubhara idzo poto dziripo zvinorevei? Kana kusiri kurwara, saka chii?

Chii ichocho chinopa murume anonzi Peter kuti ati mumwe murume anonzi Aaron ane ndebvu mukomana wake? Imi, itai mushe!

Isu hatidi zvekusekerera mimba yembwa seinokamwa mukaka, kana kusekerera benzi rinonwa muto vamwe vachida kuseva.

Dai mombe dzako mhou dzega dzega dzaingogara dziri mhou ungadai uchikama mukaka here? Kana gunguwo rikafuma rave kuimba senjiva, handiti tinoti ndiwo mashura padunhu iwayo?

Saka huchapa hwatipa kuti tipururudzire chingochani hwabva kupi? Kunyepa, uye kupenga kuti munhu anoti akangozvarwa ari ngochani. Dai zvaidaro tingadai tisingazive mutsauko wababa naamai. Munhu munhu nekuti ane hunhu, haasi mhuka.

Nhamo yedu munguva dzino dzatiri kurarama inyaya yekuti tinogara mutsvina yenyika ino zvekuti nesuwo vacho tinopedzisira tapinduka kuita tsvina.

Ndakanga ndichikurukurirana neshamwari yangu pamusoro pemukuru wechimwe chikoro akanga audza vana vechikoro chaaidzidzisa kuti ingochani. Shamwari yangu yakati, “Handizive kuti sei vanhu muZimbabwe tichibva tatya vanhu vanenge vataura kuti ingochani.”

Tinotya nekuti hatizive kuti mafungiro akadaro anoreva kuti vanhu here. Kana vabereki vachiendesa vana kuchikoro kunodzidza, havasi kuvatuma kuti vanoudzwa kuti murume anogona kudanana, kuroorana nemumwe murume. Ikoko kuuraya vana, nekuti vana vanoenda kuchikoro kunowumbiridzwa nekudzoreredzwa. Vakuru vechikoro varipo kupa muenzaniso wakanaka.

Ini handiridzire ngoma hunhu hwandinoziva kuti kurwara. Asi chinoshamisa ndicho chekuti pakati pedu pane vamwe vanhu vatema vakazvarwa nababa namai, kwete nemurume nemumwe murume. Vanhu ivavo vanotokaka nharo kuti zvakaipa kuratidza kusafarira ngochani.

Ngochani hadzina chadzinobatsira nacho nyika. Vanhu takanzi naMwari “berekanai muwande.” Kana nanhasi zvimwe zvipuka zvakasikwa naMwari zvakarambira mumaitiro azvakasikwa naMwari. Asi munhu ndiye anotsvaga kupindurudza zvakasikwa naMwari kuti atadzise kuda kwaMwari kuti kuitike.

Ngochani dzinoda kuvhenekwa misoro yadzo nekuti kana dzichiti dzinoda kudanana nemumwe murume, asi kana dzave kuda vana dzonotsvaga vanhu vanokwanisa kuita vana nenzira yaMwari, dzinenge dzichirevei?

Ndakabvunzwa nemumwewo kuti sei ndichitsamwira nyaya iri pakati paMwari nevanhu vake. Ndinotsamwira ngochani nekuti ini ndinoudza vana vangu kuti Mwari havadi chingochani kana chipfambi sezvakanyorwa kuna 1 VaKorinde 6:9-10 inoti: “Ko hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari.”

Nyaya iripo ndeyekuti chinotiuraya mazuva ano kuona zvakaipa, asi tosarudza kunyarara kana kuita sekuti hatisi kuzviona. Kana tikanyarara humbwa huchipururudzirwa, kureva kuti nesuwo tinenge tave imbwa.

Handisi kutuka, asi ndiri kuratidza kuti chinotisiyanisa isu vanhu nembwa hunhu nekuzvidzora. Zvino vamwe vedu vanoda kutodzorwa kunge mombe.

Ngatitauriranei chokwadi – kubva pakuvambwa kwenyika, dai tisina zvinhu zvatinobvumirana kuti izvi hazviite, uye izvi zvinoita, kutaura kuno dai tave nevana vanoti kuvabereki vavo ndivo vave baba kana amai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey