Uncategorized

‘KuBuhera munotigonera’

17 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
‘KuBuhera munotigonera’ Cde Chinotimba

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZVITI weBuhera, kuManicaland, ari kutenda nhengo dzedare reParamende dzemudunhu iri nekubatana kwavo neruzhinji nemamwe masangano uye nemapazi eHurumende mukurwisa chirwere cheCovid-19.

VaFreeman Mavhiza vanoti vari kufadzwa nemushandirapamwe uri pakati penhengo dzeParamene dzedunhu ravo pakurwisa Covid-19.

“Semamwe matunhu munyika, Buhera haina kusiiwa neCovid-19. Ndinongoteda nhengo dzeParamende dzematunhu edu mana ari muno – Buhera South, Buhera Central, Buhera North neBuhera West – vari kushanda pamwe chete vachibatsira nezvinodiwa pakurwisa chirwere ichi,” vanodaro VaMavhiza.

Vanoti pakangodzikwa mutemo wekunzi vanhu vagare kudzimba nechinangwa chekuda kumisa kupararira kwechirwere ichi, nhengo dzeParamende dzemudunhu ravo – dzichitungamirirwa neDistrict Covid Taskforce – dzakabatana mukumisa denda iri.

“Tine vamiriri mudare reParamende vanoti Cde Joseph Chinotimba vekuBuhera South, Cde Gijima Nyashanu (Buhera Central), Cde William Mutomba (Buhera North) naCde Soul Nzuma (Buhera West), varume ava havana kuzorora kuti denda iri risatekeshere mudunhu medu,” vanodaro VaMavhiza.

Rubatsiro rwakabva kunhengo dzeParamende idzi rwunosanganisa mafuta edzimotokari, mishonga yekufirita kuuraya hutachiona, masanitiser nemamasiki.

“Asi zvakadaro, tinoyambira kuti denda iri harisati rapera saka vanhu ngavarambe vachitevedzera zvose zvinodiwa sekupfeka mamasiki nekusaita chitsoko-tsoko. Ndinotendawo vanhu vakazvimirira nemakambani avo vari kubatsira muchirongwa chekurwisa Covid-19 muno.

“Dunhu reBuhera rine vanhu vanodarika 300 000 saka zvinoda kuti tirambe tichitevedza zvatinonzi nenyanzvi dzeutano tiite kuitira kupedza chirwere ichi,” vanodaro

Share This:

Sponsored Links