‘Kubvisa mimba injodzi’

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘Kubvisa mimba injodzi’ Mwana akange arasirwa mumunda wechibage nguva yadarika kuMbare, muHarare apo aive akaputiridzwa nepurasitiki.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
BAZI reutano nekurerwa kwevana rinoti kubviswa kwemimba zvisiri pamutemo nevakadzi kuri kukonzera kufa kwavo nechikamu che23% izvo zviri kudzorera shure budiriro yezveutano.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika naDr Bernard Madzima, avo vanova Director weFamily Health kubazi iri vachiti nyaya dzekubviswa kwepamuviri zvisiri pamutemo idambudziko guru munyika.

“Kubviswa kwepamuviri zvisiri pamutemo kuri kukonzera ndufu dzemadzimai nevana nechikamu che23% uye huwandu uhwu kwakanyanya. Nyaya dzekubviswa kwepamuviri nerweseri dzakawanda muZimbabwe, kunyanya munzvimbo dzine vanhu vanotambura uye madzimai mazhinji asina kuroorwa ari kuwanikwa achiita izvi,” vanodaro.

Vanoti kunyangwe madzimai nevasikana vechidiki avo vanenge vaine kodzero yekuti vange vachibviswa pamuviri zviri pamutemo, vari kutadza kubatsirwa nenguva nekuda kwematanho avanofanira kutevedza anosanganisira kuenda kumatare edzimhosva nekuzvipatara.

Kasvava kakarasirwa muchimbuzi

“Matanho anotorwa kuti munhu abviswe pamuviri zviri pamutemo akati rebei izvo zvinoita kuti vamwe vapedzisire vave kusununguka mimba dzacho dzisati dzabviswa. Asi pane zviri kugadziriswa kubazi redu kuti zvinhu zvinge zvichifamba zvakanaka.

“Zvisinei nematambudziko aya, bazi rezveutano riri kubatsira mukusukwa kwezvibereko (post abortion care) kana kuti kubatsirwa kwevanenge vabvisa pamuviri pasina kuvabvunzurudza zvakawanda senzira yekuderedza ndufu dzemadzimai nekuti takaona kuti vazhinji vanofa sezvo vanenge vasingarapwi nekutya kusungiswa,” vanodaro.

Mutemo unoona nezvekubviswa kwepamuviri weTermination of the Pregnancy Act (1977) Section 4 unotendera kuti munhu abviswe pamuviri asi ndokunge pauya nenzira yechibharo, pachikanganisa utano neupenyu hwaamai kana kuti paitwa nevanhu vane hukama (makunakuna).

Mai Edna Masiyiwa

Kubviswa kwepamuviri zviri pamutemo kunoitwa bedzi mushure mekupihwa mvumo nematare edzimhosva.

Mukuru wesangano rinomiririra kodzero dzemadzimai nevanasikana, reWomen’s Action Group, Mai Edinah Masiyiwa, vanoti madzimai anofanira kuva nekodzero dzinovachengetedza panyaya dzeutano.

“Kubvisa pamuviri zvisiri pamutemo kune njodzi huru nekuti chibereko chinogona kubvaruka munhu orasikirwa neropa rakawanda zvichizova nemagumo erufu rwaamai kana nemwana. Madzimai anofanira kuwaniswa sarudzo yakanakira utano hwavo hwesikarudzi.

“Takaona zvakare kuti kushaikwa kwenzira dzakasiyana dzekurera mhuri dzinova dzakanakira vanasikana panguva yavanenge vachidzida kunokonzera kuti vagumisire vave kuita pamuviri pasina kurongeka zvinozoita kuti vamwe vagumisire vave kubvisa pamuviri nerweseri,” vanodaro.

Vanotizve vanhukadzi vanofanira kuziva kuti munyika mune mitemo inovachengetedza kana vachinge vambunyikidzwa kodzero dzavo sekubatwa chibharo, pamuviri kana pachinge pachiisa upenyu hwaamai panyatwa uye kana pachinge paitwa pakati pehama kuti panogona kubviswa kana zvichinge zvabvumidzwa nematare edzimhosva. Kureva kuti nyaya dzese idzi dzinofanira kumhan’arwa kumapurisa.

Zvakadai, mukushi wemashoko kukanzuru yeguta reHarare, VaMichael Chideme, vanoti nyaya dzekubviswa kwepamuviri zvisiri pamutemo nekurasa tusvava dziri kukonzera kuzara kwemakomba makuru ayo anosvikira tsvina dzese dzinofamba nemapombi.

“Nyaya yevanhu vanobvisa pamuviri zvisiri pamutemo idambudziko guru kukanzuru sezvo zvichidhura kugadzira pombi nekubvisa mitumbi yetwusvava twunenge twava kuvhara nzira dzinofambisa tsvina nemvura. Mamwe machira nezvimwe zvinobuda pakusununguka zviri kuraswa pese-pese kusanganisira munzizi nemumadhamu zvichisvibisa nharaunda nekukonzera zvirwere nekuti madhamu nenzizi ndizvo zvinotiwanisa mvura yekunwa,” vanodaro.

VaMichael Chideme

VaChideme vanoti nguva nenguva vanotuma vashandi vavo kunovhura pombi dzinofamba nemvura kana tsvina asi voshamisika kuwana dzakavhara nekuda kwetwusvava twunoraswa.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti nyaya dzekubviswa kwepamuviri nevarapi vechivanhu dzinowanikwawo asi kuita kwakadai imhosva huru.

Sekuru Chisanyu

“Tinokurudzira varapi vechivanhu nevemachechi kuti vave nemagwaro ekurapa ari pasi peTraditional Medical Practitioner’s Council (TMPTC).

“Magwaro aya ane mitemo inofanira kutevedzerwa nevarapi uye kutyora mitemo iyi imhosva inoendesa kujeri.

“Hatitenderi varapi vedu kuti vabvise pamuviri nekuti zvinoparadza upenyu hwevanhu.

“Asi, zvisinei nemitemo yatinayo iyi, tiri kuwana vanhu vachienda nerweseri kunobviswa pamuviri kudzin’anga nemaporofita, vazhinji vacho vasina kunyoreswa vachizodzoka vave pamatambudziko,” vanodaro.

Vanoti sangano ravo rinoshanda pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukusimudzira nyaya dzeutano.

Share This:

Sponsored Links