Kuchanaya mvura ine dutu: MET

20 Nov, 2019 - 13:11 0 Views
Kuchanaya mvura ine dutu: MET

Kwayedza

MVURA inotarisirwa kunaya yakawanda zvikuru munyika yose kubvira neChitatu chino kusvika neChishanu.

Matunhu anosanganisira Masvingo, Midlands, Mashonaland East neManicaland ari kutarisirwa kunaya mvura inodzika pasi zvekudarika 50mm mukati memaawa 24.

Mvura iyi inogona kunge iine dutu pamwe nekupenya kwakanyanya.

Kunaya kuchange kuchiita mvura ine simba iyi kune njodzi huru kuupenyu hwevanhu sezvo miti inogona kudzurwa zvichikonzera kuparara kwezvivakwa nezvimwe.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vapinde mumba kana munzvimbo dzakavharika kana kuchinaya uye kuti vasayambuke nzizi dzinenge dzakazara.

Bazi reMeteorological Services Department richaramba richizivisa veruzhinji mamiriro anenge akaita kunze pamwe nenjodzi dzinogona kuitika. – Meteorological Services Department

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey