Uncategorized

Kuchema kwemurwere kwanzwikwa

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI inobika chingwa yeNatbake pamwe chete nesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe (GMAZ) svondo rapera vakapa rubatsiro rwezvinhu zvinokosha $200 000 kumurume wekuRugare, muHarare, uyo anova murwere wepanhowo zvichibva patsaona yaakaita ari kuKenya mugore ra2010.

Patrick Sibanda (36) nguva yadarika akambobuda munhau achikumbira rubatsiro rwekuti anovhiiwa pahuro apo akaita dambudziko rekutyoka mutsipa mushure metsaona iyi izvo zvakaita kuti mimwe mitezo yake itadze kushanda zvakanaka.

Rubatsiro urwu rwunosanganisira hupfu, chingwa, mubhedha sewemuchipatara, magumbeze, madiaper uye furawa zvakabva kuNatbake apo GAMZ yakapa wiricheya inoshandisa magetsi.

Natbake yakavambwa naVaTafadzwa Musarara avo vanovazve sachigaro weGMAZ.
Sibanda anotenda rubatsiro urwu.

“Ndinoti denga randinyemwerera chokwadi nekuti ndakanetseka zvikuru mushure metsaona apo ndakambotorerwa magwaro emba (title deeds) nevanoronda zvikwereti ndakundikana kubhadhara mari yechikwereti chandakatora kubhanga kuti ndizvirapise. Natbake yakandibatsira neUS$1 000 iyo yaidiwa nevezvikwereti kuti vandidzosere magwaro emba.

“Imba iyi ndakaitengera amai vangu vanova shirikadzi kuti vawane chouviri asi nekuda kwetsaona, zviroto zvangu zvakabva zvapinda musango. Ndainge ndisati ndaroora kubvira pakaitika tsaona iyi.

“Mitezo yangu yose yakaoma uye ndinoshandisa catheter (chubhu) pakurasa mvura,” anodaro achinyemwerera ari pamubhedha.

Anoti upenyu huchiri kumuomera sezvo achida zvekare mari yekubhadhara vashandi vanomupepa avo vanoda $400 pamwedzi.

Amai vake, Evangelista Fungai Mugore, avo vari kumupepa vachibatsirwa nevamwe vashandi – vanofara zvikuru nerubatsiro urwu.

“Tinotenda Mwari vedu vanoshamisa, tanga tiri kuchema nenyaya yemadiapers (minapukeni yevakuru) sezvo yava kuita $200 papaketi.

“Zvino veNatbake vapukuta misodzi yangu,” vanodaro vachiimba nemufaro.
Mukuru wekambani yeNatbake, Mai Annie Nhongo, vanoti, “Sekambani inoshandira muvanhu, zvakakosha kuti tidzorere kunharaunda dzatinodyidzana nadzo.

“Pamusoro peizvi, seNatbake taona kuti upenyu hwake hurambe huchienderera mberi tamuvakira tuckshop iyo ticharamba tichimubatsira nezvinhu zvekutengesamo seupfu, furawa pakati pezvimwe.”

Tuckshop iyi yakatovakwa pamba paSibanda.

Sibanda achiri kuda rubatsiro rwekurapwa neyekuitiswa mitambo inosimbisa muviri.

Share This:

Sponsored Links