Kuchengeta mask zvine utsanana

17 Jun, 2020 - 20:06 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinokurudzira veruzhinji kuti kana vachida kuzodzokorodza kupfeka masiki yejira iyo inenge yakachena, vanofanirwa kuichengetera pakachena semubepa repurasitiki rinonyatsovharika.

Muchinyorwa chakananga kuzivisa mamiriro echirwere cheCovid-19 munyika, bazi iri rinoti munhu anokwanisa kuchengetera masiki yambopfekwa mupurasitiki rinovharika, asi kana oda kuiburitsa mubepa umu, anofanirwa kuibata netutambo kana tundandi kuitira kudzivirira kutapurira hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

Yambiro iyi iri kuuya panguva iyo huwandu hwevanhu vane Covid-19 huri kukwira uye kusvika nemusi weSvondo vanhu 383 muZimbabwe vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Pavanhu ava, 54 vavo vakanaya kuchiti vamwe vana (4) vakafa.

“Kana masiki yako yejira ichinge isina tsvina uye uchida kuzoishandisazve, ichengetere mupurasitiki rakachena uye rinovharika. Pakuibvisa mupurasitiki, ibate nekututambo,” rinodaro bazi iri.

Kana ari mamasiki aye anoshandiswa kamwe chete kana kuti magirovhosi, veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vatange vaageza, voacheka-cheka vasati vaarasa sezvo zvinhu izvi zvava njodzi kuutano kana zvikangoraswa pose-pose.

Pamusoro pezvo, zvipatara, makiriniki nedzimwe nzvimbo dzinorapirwa varwere zviri kukurudzirwa kuti tsvina yose inobva pakuvhenekwa kwevanhu coronavirus iraswe pakakodzera kuchitevedzwa nyaya dzekukoshesa utano.

Izvi zviri pasi pemutemo weStandard Operating Procedure (SOP) for Covid-19 Infectious Waste Management Guide wakadzikwa svondo rapera.

Mutemo uyu uri pamusoro pekuraswa kwezvinoshandiswa mukurwisa Covid-19 (Personal Protective Equipment) mushure mekunge zvapedza basa kubvira kudzimba, muzvipatara, muzvitoro nenzvimbo dziri kuchengetwa vanhu vachiongororwa hutachiona hwecoronavirus.

“Padanho repamba, veruzhinji vanokurudzirwa kuwacha mamasiki nemagirovhosi nesipo nemvura inochururuka kwemasekonzi 20.

“Cheka masiki kana magirovhosi aunenge wageza kuita zvidumbu kuitira kuti dzimwe nhubu dzisazozvishandisa kana kuisa mushonga wekuuraya hutachiona.

“Isa zvidimbu zvawacheka mupurasitiki raunosunga usati warirasa mubhini.”

Nyanzvi dzinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda dzinoti mamasiki anodarika 1 miriyoni ari kuraswa mushure mekushandiswa svondo roga-roga.

Mamasiki akosha muZimbabwe sezvo kuine mutemo unosungira vanhu vose kuti vaapfeke kana vari panzvimbo dzeruzhinji zvichitevera kunyuka kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>