Kuchengeta tsuro kune pundutso

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Kuchengeta tsuro kune pundutso

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vokurudzirwa kupinda mumabhindauko anosanganisira kupfuya tsuro senzira yekuvandudza mabasa avo uyewo vachizviwanira imwe mari pamusoro peyavanowana mukurima.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaJonathan Thembo vanova sachigaro wesangano reRabbit Association of Zimbabwe vachiti zvinobatsira zvikuru kuti varimi vapfuye tsuro pamusoro pezvimwe zvipfuyo zvavainazvo.

“Isu sesangano ikurudziro yedu kuti varimi vapfuyewo tsuro sezvavanoita mombe, huku, makwai, mbudzi nezvimwe nekuti dzinopa varimi mari yakawanda zvikuru,” vanodaro.

Sangano ravo, vanodaro VaThembo, rinodzidzisa varimi kupfuya tsuro uyewo nezvose zvinodiwa mukurarama kwezvipfuyo izvi.

“Tinofamba munzvimbo dzakasiyana tichidzidzisa varimi kupfuiwa kwetsuro nekudya kwadzinopihwa, uyewo kusanganisira nematambudziko adzinotarisana nadzo munyaya yezvirwere. Tinodyidzana nenyanzvi dzezvekupfuiwa kwemhuka nevemakambani anogadzira kudya kwezvipfuyo avo tinoshanda navo pakuti varimi vazive zvose,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine vamiriri kumatunhu ose enyika vanoshanyira varimi vachiparidza kunaka kwakaita tsuro, hadzinetse kuchengeta uyewo matanga adzo ari nyore kugadzira.”

VaThembo vanoti matanga etsuro vane chikamu chesangano ravo chinogadzira uyewo nevamwe vanhu vakazvimirira nemakambani anogadzira matanga aya.

Vanoti nyama yetsuro inodhura zvikuru nekudaro  varimi vanoita basa iri vanozviwanira mari yakawanda kuburikidza nekudzitengesa.

“Tinodyidzana nevezvitoro zvikuru vanoda nyama yetsuro zvakanyanya iyo iri kutoshomeka munyika. Murimi akaita tsuro dzake dzinokwana zana kureva kuti ane mari yake inodarika $2 000. Manyowa etsuro zvakare akanakira kuzvirimwa.

“Dzimwe nyanzvi dzinotiwo weti yetsuro ikakwaniswa kuchengetwa inoita manyowa sezvo muine amonia yakawanda zvikuru mairi,” vanodaro.

VaThembo vanoti kupfuya tsuro kwakachipa pane kuchengeta zvimwe zvipfuyo zvidiki.

Mhando dzetsuro dzinonzi dzakawanda idzo dzinosanganisira dzemuno nedzekunze asi hapana musiyano wakanyanya padziri.

“Tinoti kuvarimi unganidzanai muite zvikwata motishevedza kana kuti imi mouya kuno kuHarare tokudzidzisai kupfuya tsuro, izvo zvatinoita muzuva rimwe chete. Saka sesangano isu tatomirira varimi kuti vauye kwatiri, tsuro dzacho tinovatengesera zvakare dzavanoda, matanga acho anotakurika tinovapa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links