Kuchengetedza goho nemazvo

19 Aug, 2021 - 15:08 0 Views
Kuchengetedza goho nemazvo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GORE rino varimi vakawana goho guru rechibage, nyimo, nzungu, maringazuva, mapfunde nezvimwe zvichitevera kunaya kwakaita mvura zvakanaka uye nerutsigirwo rwakabva kuHurumende pasi pezvirongwa zvinosanganisira chePfumvudza.

Goho iri rinoonekwa nenyanzvi dzezvekurima serine nhoroondo kubva mumakore makumi maviri adarika.

Ongororo yakaitwa nebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa (Final Crop and Livestock Assessment Report) kuzvirimwa zvetsanga sechibage, nyemba, nyimo nezvimwe inoratidza kuti nyika yakawana matani 3 075 538 echibage zvisinei nekuti kazhinji munyika munenge muchitarisirwa goho rakaringana rematani 1 797 435 ekuti vanhu vadye kuchizoti 450 000 ekupa zvipfuyo.

Huwandu hwezvirimwa zvetsanga (cereal crops) hwakapfurikidza nematani 820 000 mumwaka wekutengesa rinova goho guru kubvira muna2000-01.

Kambani huru inouchika mbeu yeSeed Co svondo rino yakaita chirongwa pamasaisai apo yaitondedza varimi nezvekuchengetedzwa kwegoho.

Mukushi wemashoko kuSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti zvinorwadza kurasikirwa negoho mushure mekunge murimi ashandisa zvinhu zvakawanda kuti rivepo.

Muzvare Marjorie Mutemererwa

“Goho rinofanira kuchengetedzwa nemazvo nekuti kana tikatarisa murimi anotenga mbeu, fetireza, mishonga, kushandisa zvifambiso, ruzivo rwemadhumeni nezvimwe zvinodhura kuti goho rivepo asi ozosiya richiparadzwa nenguva diki. Pane mikana yekurasikirwa nechikamu che30 percent chegoho panguva iyo murimi akamirira mumwe mwaka wekukohwa kana rikasachengetedzwa.
“Goho rinokwanisa kuparadzwa nemoto wesango, twumbuyu, makonzo kana kuwora,” vanodaro.
Sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda reEnvironmental Management Agency (EMA) rinoyambirawo veruzhinji kuti vangwarire moto wesango sezvo uchikanganisa goho mukati menguva diki.
“Zvakakosha kuti varimi vagadzire muganhu kumacheto kweminda (fireguards), kutenga mishonga yekurwisa twumbuyu, kucheka masora vachitengesa kana kugadzira chikafu chemombe senzira yekuderedza moto yesango,” vanodaro VaTawanda Chinogwenya vanova environmental planning and monitoring officer kuEMA vachitaura pachirongwa ichi.

Muzvare Wendy Madzura, vanova head of agronomy kuSeed Co, vanoti mapfunde anofanira kusara aine kuoma kune chikamu che25-35 percent.

Muzvare Wendy Madzura

“Chikamu che60-70 percent chevanhu vari munyika vanopona nezvirimwa nokudaro pane mikana yekurasikirwa nechikamu che20-30 percent chezvirimwa kubvira panguva yazvinenge zviri mumunda, pakukohwa nekuzozviisa mumatura. Chibage chinogona kuomeswa pazuva chiri pamatara chichirohwa nemhepo mushure mezvo chozoiswa mudura.

“Varimi vanofanira kuongorora mwando unenge wasara uri muchibage mushure mekuomeswa. Ndiko kusaka vamwe varimi vachizodzorerwa chibage chavo neGMB nokuti chinenge chisina kuoma zvine mwero,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi, vanoti varimi vanogona kurasikirwawo zvekare negoho nekuda kwembavha.

“Varimi ngavangwarire makoronyera ayo anotengesa mishonga yemanyepo zvinoita kuti varasikirwe negoho uye mbavha dzinokohwa padzisina kurima kubvira chibage chichiri chinyoro mumunda nepachienge chava mumatura.

“Mishonga tengai muzvitoro zvakanyoreswa muchiudzwa mashandiro ayo nekuti kune vamwe vakazorasikirwa neupenyu varara muimba ine mapiritsi emakonzo (aluminium phosphide tablets),” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>