Kuchengetedza nharaunda kwovaponesa munzara

15 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
Kuchengetedza nharaunda kwovaponesa munzara VaPeter Midzi vari parwizi rwusingapwe mvura

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUCHENGETEDZWA kwemiti kuburikidza nekusaitema zvachose kwaSadunhu Nerumedzo, kudunhu raMambo Mazungunye kuBikita, kuMasvingo kwobatsira varimi kuti vawane mvura isingaperi yekushandisa kubva munzizi dzeko idzo dzinodarika nemumasango nemakomo pamwe nekudzivirira gukuravhu.

VaMartin Vamwe (40) vanova mwana waSadunhu Nerumedzo vanoti kune nzizi nhatu dzisingaperi mvura nguva yose yegore idzo dzinodarika nemumasango avo eNerumedzo ayo anochengetedzwa nekuda kwechivanhu cheko.

“Tine nzizi dzisingaperi mvura nhatu kuno kwaNerumedzo dzinoti Mukore, Hodyo naFuve. Nzizi idzi dzinodarika nemusango kana kuti jiri redu rine miti inowanikwa harurwa umo musingabvumidzwe kutemwa miti.

“Izvi zvinoita kuti mugare makapfumvura uye hamuna gukuravhu rinoitikamo,” vanodaro VaVamwe.

Vanoti nzizi idzi kunyangwe kukaita makore mvura isinganaye, hadziperi mvura munova munoraramira vanhu vachiita mabasa akasiyana emudzimba nekurima.

VaPeter Midzi (52) vanove mwana zvakare waSadunhu Nerumedzo vanoti sango ravo iri rinoyera kubva pasichigare zvinoita kuti zviwanikwa zvose zvirimo zvichengetedzwe.

“Rwizi rwedu rwukuru musango iri rwunonzi Mukore, rwunotangira musango redu reNerumedzo. Musango iri hamuna kana muti unobvumirwa kutemwa zvinoita kuti tiridaidze kuti Nerumedzo Rain Forest. Rwizi rwaMukore rwunoenda kunodira munaSave,” vanodaro VaMidzi.

Vanoti varimi vemunzvimbo iyi vanotora mvura vachiita yekudhonza kunosvika kuminda yavo vachishandisa mapombi nenzira dzisingakanganise chivanhu chavo zvose nenharaunda.

Zvisinei, musango reNerumedzo munonzi hamubvumidzwe kurimwa.

“Sango iri charo rinomirira kutanga kwemwaka weharurwa vanhu vachiuya kuzobata harurwa mumiti irimo,” vanodaro VaMidzi.

Vanoti pane hurongwa hwekuti sango iri rigozochengetedzwa neHurumende pasi peNational Museums and Monuments of Zimbabwe (NMMZ).

Vanhu vanowanikwa vachitema miti musango iri vanonzi vanosungwa, voendeswa kudare raSadunhu Nerumedzo uko vanopihwa zvirango zvekuripa nemombe kana mbudzi.

Share This:

Sponsored Links