Kuchengetedza vanhu mungano

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa mubvunzo uyo watakatanga svondo rapera.

  1. Ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Mungano yakanzi Muteyi wemaduwo nomukadzi wake munobudiswa pfungwa yokuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari zvakare. Mungano iyi mune murume aive nyanzvi mukubata hove nemaduwo, asi hove dzake dzaidyiwa kwosiiwa misoro chete. Mukutsvaga kuti chii chaidya hove, mukadzi nemurume vakazoona kuti raive garwe. Mukadzi akapopotera garwe akati rimupe hove dzemurume wake.

Garwe rakabvuma rikaudza mukadzi uyu kuti aritakure vaende rinomupa hove dziye, asi tsuro aive kunze kwemvura akaona kuti mukadzi uyu ainge ave kutoenda kunodyiwa negarwe. Tsuro akadaidza garwe nemudzimai kuti vauye kunze kwaive nemurume wemukadzi uye achibva audza murume kuti abaye garwe. Garwe rakabaiwa rikafa kuburikidza nenjere dzaTsuro.

Kubudirira kunoita Tsuro mukuponesa mukadzi uyu achishandisa pfungwa sekapuka kaduku kunojekesa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari. Tsuro anotorwa semunhu waMwari sezvo ari kamhuka kadiki kanokwanisa kufunga kupfuura vanhu vakuru izvo zvinobva zvabudisa kuti ngano dzaichengetedza vanhu vaMwari.

Imwe ngano inobudisa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari yakanzi Gore renzara. Murungano urwu mune murume nemukadzi vakasangana nedambudziko renzara. Murume akafunga zvokunotsvaga chikafu ndokuenda musango maakawana uchi. Akauya nehushoma akasiya aviga humwe muhari musango muye.

Zvino murume akange asingachadyi chikafu kumba achidya uchi hwoga kusango, mhuri ichinetseka. Rimwe zuva kamwana kake kadiki kakazofunga zvokumutevera kuti kaone zvaaidya kusango kwaaienda. Kamwana kaya kakazoudza mai vacho kuti baba vaive neuchi hwavaidyira kusango. Mukadzi akazoenda nemwana vakanotora uchi hwacho murume asingazivi. Mukadzi akabva aramba murume nokuti aive nehutsinye asina rudo nemhuri yake.

Kubudirira kunoita kamwana kadiki mukubata chokwadi kuti baba vainodya uchi kusango kunobudisa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari sezvo mwana mudiki ari iye akakwanisa kuita njere dzokutevera baba kusango kusvikira aona kuti vaidya huchi vari voga kusango.

Imwe ngano inobudisa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari yakanzi Murume neshiri. Mungano iyi mune murume aive muvhimi akapinda musango kunovhima. Akauraya mbira mbiri akasangana nemhuka zhinji dzakafa dzoga dzaisanganisira nhoro pamwe nenyati, asi paaida kudzinhonga aiiudzwa neshiri kuti asiye sezvo zviuya zvaive mberi.

Akazofunga kutiza shiri iye achinohwanda mubako maive nemba hombe yakanaka iyo yaive yeshumba. Shumba yakazodzoka ikawana mumba mayo mapinda munhu ikamuudza kuti ape mbira kuimbwa dzake dzidye iye ozodya imbwa dzake, zvadaro iye ozodyiwa naShumba. Shiri iye yainge yambotizwa nemurume uyu yakatuma Mbeva kunoudza Shumba kuti mbeva yaida kuzodyawo Shumba. Izvi zvakagumburisa Shumba ndokutandanisa Mbeva achisiya murume uye. Murume uya akasara achitiza. Akazofamba akaenda kunyika yaakasvika ine vakadzi chete nepfuma zhinji uko kwaakazogara zvakanaka mushure mekunge imbwa dzake dzauraya chichembere chainge chapedza vamwe varume vose munzvimbo iyi chichivauraya. Kuponeswa kunoitwa murume uyu neShiri kanova kapuka kadiki kunotaridza kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari sezvo Shiri kari kapuka kadiki asi kakakwanisa kupa mazano akararamisa munhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey