Uncategorized

Kuchengetedzwa kwevana pakushandisa internet

16 Oct, 2020 - 15:10 0 Views
Kuchengetedzwa kwevana pakushandisa internet

Kwayedza

Munyori weKwayedza

SEMWANA, ndinokwanisa kuita zvinhu zvizhinji padandemudande (internet) zvinosanganisira kutamba mitambo, kutaura neshamwari, kusangana neshamwari dzakasiyana-siyana nekuwana ruzivo rwakawanda rwunosanganisira zvedzidzo nezveupenyu.

Ndine kodzero yekusununguka, kufara nekuongorora zvese zvandingada zvingavepo padandemutande

Zvakadaro, kuti ndizvichengetedze zvakandikoshera kuti ndizive zvinhu zvingandikuvadza zvinowanikwa padandemutande zvinosanganisira mitambo nemifananidzo yevanhu vasina kupfeka kana mimwe mitambo inotyisa uye inokanganisa pfungwa dzangu.

Semwana, zvakandikoshera kuti ndizive kuti internet haingoshandiswe nevanhu vanovimbika asi inosanganisira zvekare vasina hunhu hunotarisirwa hwakanaka vane chinangwa chekukanganisa pfungwa dzevamwe pamwe chete nekudzvanyirira vamwe.

Nokuda kweizvi, kana ndichishandisa dandemutande zvakakosha kuziva mitemo yakadai kuitira kuzvidzivirira nekuzvichengetedza pamwe nekudzivirira vamwe kunjodzi dzakadaro.

Semunhu anoshandisa internet, ndine kodzero dzekuishandisa zvakachengetedzwa uye kugona kuzvipa pekugumira. Ndinofanira kugona kuzvichengetedza nekuzvimiririra kuti ndizvichengetedze pamasaisai edandemutande  nemuhupenyu hwangu.

Semwana, ndinofanira kuzvipa muganhu kana ndichishandisa dandemutande, kunyanya pazvirongwa zvinosanganisira Facebook, WhatsApp, Twitter neInstagram.

Handifaniri kufungidzira kuti ndakachengetedzeka kana kusazivikanwa kunyangwe pandinoshandisa internet neshamwari dzangu. Ndinofanira kungwarira nekuziva kuti mukutora mashoko akasiyanana-siyana kubva pazvirongwa zvepadandemutande, ndinokwanisa kushambabza zvakavanzika zveupenyu hwangu kana vadikanwi vangu.

Ndinofanira kufunga zvakadzamisisa ndisati ndashambadza kana kutumira chimwe chinhu padandemutande. Ndinofanira kuziva kuti ndikange ndatumira nhoroondo yeupenyu hwangu, mifananidzo yangu kana chimwe nechimwe chine chekuita neupenyu hwangu handizokwanise kuibvisa kana kuidzivirira kuti isaonekwe kana kushandiswa nevamwe vanhu.

Kana vamwe vanhu vasingafanire kuziva nezveupenyu hwangu vakawana mukana wekuzviziva, handizokwanise kuziva kuti vachazvishandisa zvakadii.

Semwana, ndinofanira kugara ndakangwarira kuti pane zvimwe zvezvinhu zvinogona kuita kunge zvechokwadi asi zvisiri.

Dzimwe nguva hushamwari hwepadandemutande hunogona kukura kusvika pakuve nehushamwari hwemazvirokwazvo. Ndinofanira kufunga zvakadzama ndisati ndasangana neshamwari dzepamhepo.

Ndinofanira kuchenjerera nguva dzese nekuti shamwari yepadandemutande inogona kunge ine hunhu hwakasiyana nehwaanoratidza painternet.

Vanhu vazhinji vandinotaura navo padandemutande vanenge vatori shamwari dzangu nechekare. Dzimwe nguva ndinoshamwaridzana neshamwari dzeshamwari dzangu nevamwe vandisingazive. Naizvozvo, zvakakosha kuti ndingwarire nguva dzese pandinopanana mashoko nevamwe.

Handifanire kutambira kuita hushamwari nevanhu vandisingazive uye nekupinda muzvikwata (groups) zvandisingazive nezvazvo.

Vamwe vanhu vanogona kuda kutumira zvisakafanira padandemutande, ndinofanira kuita sendisina kuzviona kana kuvhara vanhu vakadaro.

Vamwe vanogona kuve nehasha padandemutande votanga kundishungurudza kana kundituka, ndinofanira kuvavhara, kuvamhan’arira  kumapurisa, kuudza vabereki, varairidzi kana kufona pa116.

Zvimwe zvikamu zvepadandemutande zvinogona kuve nezvinosuwisa kana kugumburisa nekudaro kuti ndizvidzivirire handifanire kushanyira kana kutumira zvinhu kunzvimbo dzakadaro.

Semwana, zvakakosha kuti ndichengete mashoko anogumbura kana ekutyisidzira anenge atumirwa nemunhu padandemutande ndoratidza munhu mukuru kuti andibatsire kana kumhan’ara kumapurisa pazvinenge zvakakodzera.

Ndikasangana nedambudziko rekunyengedzwa kuenda pabonde kana kutumira mifanandzo yangu  ndakashama, ndinofanira kumhan’ara  kumapurisa ari pedyo neni kana kuzivisa munhu mukuru ari pedyo anondibatsira kugadzirisa dambudziko iri.

Ndinogona kuchaya runhare kuChildline Zimbabwe  panhamba dzavo dzemahara dzinoti 116  kana kuvashanyanyira   padandemutande rinoti: http://www.childline.org.zw> kuti uwane rubatsiro.

Kana ndikasangana nemavhidhiyo anoratidza kushungurudzwa kwevana pabonde, ndinokwanisa kumhan’ara kuti ibviswe pahttps://report.iwf.org.uk/zw

Ndinofanira zvekare kuziva chose chine chekuita nemuchina wangu nemashandiro wawo nekugara nawo une zvinhu zvakakwana.

Kana pakaiswa ruzivo rwune chekuita nevabereki, ndinofanira kuzivisa vabereki vangu tobvumirana pandinofanira kugumira semwana uye zvinoenderana nezera rangu.

Ndinofanira kuva nenzira yandinoziva ndega kuvhura mushini wangu kuitira kuti pasawane mumwe munhu anokwanisa kuushandisa.

Kodzero dzangu dzepadandemutande dzinosanganisira kushandisa internet zvakanaka, kuumbiridza hunhu hwangu nekuwedzera ruzivo rwangu.

Izvi zvinosanganisira kodzero yekuramba kana mumwe munhu achinge aita kuti ndisasununguke nezvaanenge achida kubva kwandiri padandemutande.

                          

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey