Uncategorized

Kuchengetedzwa kwevana veECD

17 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
Kuchengetedzwa kwevana veECD

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinotsigira dzidzo yevechidiki, reZimbabwe Network of Early Childhood Actors (ZINECDA), rakabatana nereEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI) muchirongwa chekusimudzira dzidzo yeEarly Childhood Development (ECD) panguva iyo zvakaonekwa kuti vana vegwaro iri vanoda kuchengetedzwa kwakasimba kuti vasatapurirwe chirwere cheCovid-19.

Masangano aya ari kushanda akabatana neRoger Federer Foundation (RFF) yekuSwitzerland mukuita chirongwa chinodaidzwa kuti School Readiness Initiative (SRI).

Vachitaura neKwayedza, VaNaison Bhunu vanoti kuti vana vave neramangwana rakanaka, zvinobvira pamakudzirwo avanoitwa kubva vachiri kuECD.

“Kune vabereki vazhinji vasina hanya yekuendesa vana kudzidzo yeECD izvo zvinoita kuti vana varasikirwe nedzidzo yakakosha iyi,” vanodaro.

VaBhunu vanoti ongororo yakaitwa nenyanzvi dzinoona nezvekuyaruka kwevana inoratidza kuti chikamu che90 percent chenjere dzavo dzinokura zvakakwana pavanenge vachiri pasi pemakore masere okuberekwa.

Zvichabuda muchirongwa ichi zvichapirwa kuHurumende kuti pagadziriswe mikaha iripo kana takatarisa dzidzo yeECD.

Mai Mercy Sakanya, vanova director wesangano reChild Protection Society iro rinorwira kodzero dzevana, vanoti dzidzo yekumavambo yakakosha.

“Hazvibatsire kuti vabereki vazoshingirira kuda kudzokororesa vana fundo kana vava kusekondari asi vakakundikana kugadzirisa fundo yekumavambo yeECD nekuti ndiko kunobva budiriro yepfungwa dzevana,” vanodaro.

Mai Sakanya vanoenderera mberi vachiti, “Kana takatarisa chirwere cheCovid-19, vana veECD vanoda kuchengetedzwa zvakanyanya muzvikoro nekuti havana ruzivo rwakakwana sevamwe vari kumagwaro epamusoro. Vanogona kubvisa mamasiki, kuarasa kana kubata-bata nzvimbo dzose nekuti vana.

“Pachatanga kuenda vana vemazera madiki eECD kusvika kuGiredhi 4 kuchikoro, zvava kutoda mushandirapamwe wevabereki nezvikoro kuti vabatsire vana ava vasatapurirwe Covid-19.”

Vachitaurawo pagungano iri, mumiriri weGokwe-Chireya mudare reNational Assembly, Cde Tonderayi Moyo avo vanovazve mudzidzisi kuchikamu cheFaculty of Education kuUniversity of Zimbabwe, vanoti kutsigirwa kwehomwe yezvikoro kwakakosha kuitira kuti zvirongwa zvine chekuita nebudiriro yevana zvifambe zvakanaka.

VaClemence Tauya Nhliziyo, avo vanova murongi kuECOZI, vanoti chirongwa ichi ndechekupanana mazano kuti paonekwe kuti zvii zvingaitwa mukusandura dzidzo yevana senzira yekuzadzikisa zvinangwa zveSustainable Development Goal 4.2.

Mai Tsitsi Tuturu, murongi weECD kuKapnek Trust, vanotiwo Zimbabwe inofanirwa kudzidza kubva kune dzimwe nyika dzakavhura zvikoro nechekare kuti vari kuzvifambisa sei pavana veECD.

Hurumende yakatora danho rekuti zvikoro zvivhurwe muzvikamu nechinangwa chekudzivirira Covid-19.

Vadzidzi vari kunyora bvunzo dzeGrade 7, Fomu 4 ne6 vakavhura nemusi wa28 Gunyana.

Vana veGiredhi 6, Fomu 3 neFomu 5 vachavhura musi wa26 Gumiguru kuchitiwo vamwe vose vanosanganisira veECD A neB, Giredhi 1 kusvika 5 uye Fomu 1 ne2 vachavhura musi wa9 Mbudzi.

Share This:

Sponsored Links