Kuchera pose-pose kwokonzera Gukuravhu

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MASABHUKU ekunharaunda yekwaMusiiwa kwaShe Musana kuBindura ochema-chema nekuda kwevanhu vari kuchera pose-pose, kusanganisirira muminda, vachitora ivhu rekuvakisa dzimba zvavanoti zvakonzera kuparadzwa kwezviwanikwa, gukuravhu nekudzorera mabasa ekurima kumashure. Sabhuku Chibaya, VaTinavapi Chibaya (80), vanoti misha yose iri padyo nenzvimbo yemabhizimusi yeMusiiwa yatarisana nekucherwa kwevhu izvo zvakonzera kuvapo kwemakomba-makomba.

“Hatisi kupesana nekuti taundishipi yedu yeMusiiwa ikure asi dambudziko riripo zviwanikwa zvave kuparadzwa nevanhu ava vanouya mumisha yedu vachichera ivhu iri iro vanonotengesera vari kuvaka isu pasina chatinowana.

Makomba aya zvakare ane njodzi huru kumhuri dzedu nezvipfuyo kunyange isu vanhu vakuru sezvo munguva yekunaya kwemvura panogona kuita njodzi yekuwira kwevanhu mumvura vachifa,” vakadaro.

“Nyaya yave kunetsa ndeye kuti vamwe vanoenda nemarori vakawanda vosvikochera nenguva duku-duku vobva vasimuka voenda apo muridzi wemunda anozongoona angova makomba pasina kuona vanenge vakazviita,” vakadaro sabhuku Chibaya.

Vanoti maitiro aya ari kudzosera mabasa ekurima kumashure sezvo mimwe minda angova makomba-makomba zvekuti haicharimika.

Zvakadaro, Sabhuku Chibaya vanoti kunze kwazvo, kune vanhu vari kungotema miti pamadiro zvavakati zvaparadza masango mudunhu ravo.

“Masango aparara kuno mufunge hakusisina chakanaka, nyaya iyi ikaramba yakadaro pasina kutorwa matanho tichaguma tisisina kana muti chaiwo nyika yedu ikava gwenga,” vakadaro.

Sabhuku Chibaya vanoti vari kuronga kunomhan’ara nyaya iyi kwaShe Musana kuti kuonekwe zvingaitwe nekuda kwenhubu idzi.

Share This:

Sponsored Links