Kucherechedza mazororo

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MWEDZI uno waMbudzi wapera asi mune zvakawanda zvakaitika zvandaona zvakakodzera kuti titaure nezvazvo. Zvakakosha kumbotora kanguva tichirangarira hama dzedu dzakapararira munjodzi dzemumigwagwa mumwedzi uno.

Nguva ino ndeyekushanyirana tichifara nehama neshamwari asi kana vamwe vedu votadza kusvika kwavanenge vachifanira kuenda nekuda kwetsaona zvinorwadza isu tasara, ndokusaka ndati timborangarira vamwe vedu vakadimburirwa nzendo dzavo nekuda kwerufu.

Tatova munguva yekuwadzana nehama neshamwari tichipanana rudo nezvipo nekushanyirana. Mukuita uku tinenge tichivavarira kupendera gore zvakanaka tichipinda muKisimusi. Ngatipananei rudo nekuti nguva yacho ndiyoyi uye kune vanokwanisa kupawo zvipo kuhama neshamwari zviitei makasununguka.

Zvinobva zvaita kuti timboona nezve mazororo atinokoshesa nekucherechedza muZimbabwe. Regai titange panotangira gore munaNdira. Pasi rose rinocherechedza gore idzva (New Year) apo vanhu vanofara nekurumbidza musiki nekuvapa rimwe gore rekurarama.

Zuva iyi vanhu vanoripemberera nenzira dzakasiyana. MaKirisitu vanoenda kumakereke vachinorumbidza Musiki uye vachiturika nhongwa dzava dzeupenyu dzavanoshuvira kuti vazadzikisirwa naMwari mugore iroro.

Vamwewo vanoswera vachiita mabiko vachifara nehama neshamwari. Vamwe ndipo pavanogara pasi kunyora zvisungo zvekutevedza gore iroro

Tikabva apa, tinobva tambokakavara tisina zororo. Muzvikoro rinenge riri besanwa kumhanyidzana nenguva. Tinozoti tapinda munaKubvumbi pobva papinda zororo rinokosheswa namaKirisitu pasi rese.

Iri izororo reEeaster apo maKirisitu anorangarira kutambudzwa nekuroverwa kwemanakomana waMwari Jesu Kirisitu pamuchinjikwa achizomuka kubva kuvafi muzuva retatu.

Zuva reEaster rinoshanduka gore rega rega nekuti tsvagurudzo (research) inoti zuva iri rinoburitswa zvichitevedzerwa pepa ramazuva rinonzi Gregorian Calender.

Zvinonzi kana papera mwedzi uzere (full moon) kubva musi wa21 Kurume zvisingazopfuuri 25 Kubvumbi svondo yacho iyoyo inotevera panoperera mwedzi uzere inobva yavaEaster zvoreva kuti tinochiverenga mazuva maviri tichidzoka kumashure kuti tiwane Chishanu chakanaka (Good Friday).

Hatibatei mamwe mazororo muchikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey