Kuda anokuvara muhondo

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

TINOPEDZISA mubvunzo watakatanga svondo rapera wekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya iri muna Kuda Muhondo.

Vanhu vepamba pavanaKuda vanoda hondo chaizvo zvinoita kuti vapate musha vasingadi kuwana chavaitaura nemasoja zvinokonzera kuti vazopisirwe musha vahwanda muchikomo.

Kuda anenge aine chishuwo chekuti akadzidzira hondo ari kuMozambique azodzokere kumusha anorwisa vapambepfumi muhondo senzira yekutsiva zvese zvainge zvamushungurudza muhurumende yevachena. Tinonzwa achiti, “Asi ini hangu Komuredhi Kadiki shungu dzakanga dziri pakuda kundorwa chaiko, nebhunu chaiko.” P.59

Kadiki, Kandege, Gidi nevamwewo vanoratidza kuti vanhu vakanga vachida hondo zvakapfurikidza kuburikidza nekudzidzisa magandanga ruzivo rwaikosha pakusunungura nyika. Kuda anoratidza kufarira zvehondo paanokunda vamwe vaaidzidza navo zvidzidzo zvehondo pakamba 2 ndokusarudzwa kuti aende kunopfuurira mberi nezvidzidzo zvake ari kuChina.

Kuda tinomuona ari muhondo paanobatsira magandanga kurwisa vachena vainge vapamba Kamba 2 zuva ravaida kuenda kuMaputo kuti vaende kuChina. Tinomuona ari muhondo achiuraya muvengi nebanga. Kuda anonzwa kufara paanouraya muvengi nebanga. P.76

Kutungamirirwa kwehondo yaienda kuBuhera naKuda kunomupa mufaro mukuru chaizvo zvinoita kuti anzwe kuti akanga ave muhondo chaimo. P.83

Tinoona Kuda ari muhondo paanoenda kuBurma Valley.

Tinomuona achienda achinyahwaira nevamwe vake kunobata masoja epapurazi iri ainge akarara ndokuvatuma kunoshevedza vachena vaitungamira purazi irori. Panguva iyi vanaKuda vanoratidza kuti vakanga vagadzirira hondo. P.89

Magandanga anofarira kuona hondo ichienderera mberi kusvika Zimbabwe yadzoka kuvatema ndosaka vakamhanyira kunopamba chikafu kuBurma Valley chekuti vazviraramise vari muhondo.

Panenge pachibva chikwata chemagandanga kuBurma Valley tinoona Kuda achimhanyira kunonunura chikwata chavanaKandege chakanga chasangana nehondo ukuwo chikwata chaChikwekwete chichienderera mberi nerwendo.

Kuda akanga aneta chose asi haana kuzvitarisa izvozvo. Izvi zvinoratidza kuti munhu akanga achida zvehondo chaizvo.

Kuda anoratidza kufarira zvehondo chaizvo paanobvuma zvekuti arambe achipfuurira mberi nekuita zvidzidzo zvehondo. Pavanhu vaaida kuenda navo kuChina panosara vana chete kubva pagumi, vaviri vainge vakuvara uye vamwe vafa.

Akazoenderera mberi kunoitira zvidzidzo izvi kuTanzania kwemimwe mwedzi mina ariko. Mazuva anoita mashoma kuna Kuda kuti ange achitungamirira battalion yake achidzokera nayo kuZimbabwe, mudunhu reBuhera kuti vanorwa hondo.

Tinoona Kuda nechikwata chaaifamba nacho vachienda kuBuhera vave mudunhu raTaremekedzwa kuBocha vachipinda muhondo mushure mekunge vave kugadzirira zvekuti vapfuurire mberi nerwendo rwavo.

Apa vanorwa chose kunyangwe vachizorasikirwawo nemauto mashoma muhondo iyoyi.

Mushure mekunge Kuda nechikwata chake vagara muBuhera pabhesi pavo tinoona achipinda muhondo yekubhomba zvivakwa zvakanga zvave kuitwa nemabhunu munzvimbo iyi.

Mabhunu anoenda achinogara pedyo nebhesi ravanaKuda muBuhera tinoona achitsvaga magandanga kuti akanga achigarepi. Izvi zvinoratidza kuti mabhunu vanhu vaidawo hondo.

Kuda achisvika mudunhu reBuhera anoronga magandanga achiita kuti apararire nenzvimbo yese. Izvi aizviita nechinangwa chekuti hondo yeChimurenga ikasike kupararira mumativi ese eBuhera.

Kuda anokuvadzwa nebara pagumbo nemabhunu paanoenda nevamwe vake kunoparadza bhesi idzva rakanga ravambwa nemabhunu pedyo nebhesi ravo. Kukuvara kwake kunoratidza vanga raakasangana naro nenyaya yekuda hondo.

Kudamburwa gumbo kunoitwa Kuda achiiswa rimwe rechimuti kunoratidza kuti madiro ake ehondo akanga amusiya aine dzvanga raaisazokanganwa zvachose muhupenyu hwake muhondo huru yeChimurenga yaakarwa semvumba.

Share This:

Sponsored Links