Kuda Mahachi oti nyaya ngairaswe

16 Sep, 2022 - 19:09 0 Views
Kuda Mahachi oti nyaya ngairaswe

Kwayedza

Mashudu Mambo
GWETA remutambi wenhabvu wemaWarriors, Kudakwashe Mahachi, riri kukumbira kuti abviswe pamhosva yekuda kuuraya mwanakomana wake ane makore mana okuberekwa richiti vafakazi vatatu “vakakosha” avo vakapa umboo mudare, vakapa mashoko anopikisana.

VaNkosiyabo Sibanda vekambani yeTanaka Law Chambers, vanoti umboo hwakapihwa nevafakazi vatatu vanoti Meline Mahachi naSinikiwe Sibanda vanove hanzvadzi dzaKudakwashe uye neshamwari yake Carlos Moyo, “hauna simba”.

“Pamashoko ari pamusoro apa, ndinoda kuti dare ritarise tsananguro yevafakazi vatatu ava nezvemamiriro emwana. Zvakakodzera kutarisa vafakazi ava sevanofungirwa sezvo vachiziva zvakawanda pamusoro pemhosva iyi.
“Mwana uyu anonzi akauya akakuvara, asi vatatu ava vakachengeta mwana kwesvondo rose, utano hwemwana hukaramba huchidzikira ari mumawoko mavo,” rinodaro gweta iri mumagwaro apirwa kudare.

VaSibanda vanoti vafakazi vatatu ava havana kubuda pachena zvakare kuti pane mumwe chiremba aibatsira nekurapa mwana uyu pavakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Pavakanga vachimhan’ara nyaya iyi kumapurisa, havana kubuda pachena kuti pana chiremba (zita rakataurwa) aibatsira mwana uyu. Vakaviga izvi (ruzivo) kumapurisa nevakuru vechipatara.

“Nerimwewo divi, vanoti mwana akauya akakuvara, dai chiremba uyu asiri wemanyepo angadai akabvuma kutambira mwana uyu akamupa mubhedha kuti arapwe. Vatatu ava vane zvavaivanza,” vanodaro VaSibanda.
Kutongwa kwenyaya iyi kwakapfuudzwa kumberi musi wa23 Gunyana 2022 apo muchuchisi Acumen Khuphe anotarisirwa kupindura chikumbiro ichi.

Kudakwashe ari kupomerwa kuti pazuva risingazivikanwe nedare, asi pari pakati pemusi wa25 Kukadzi 2022 na14 Kubvumbi 2022, akarova mwanakomana wake nesimbi mumusoro nepamuromo.

Zvinonzi akamudira mvura inopisa muviri wose ndokumurova zvakare netambo yecharger yenhare muviri wose.
Nekuda kwekurohwa pamwe nekupiswa uku, mwana uyu akatsva zvakanyanya uye akakuvara muviri wose.
Mushure mekukuvara kwemwana uyu, Kudakwashe ari kupomerwa zvakare kuti haana kumuendesa kuchipatara kuti anorapwa asi akatozomudzosa kuZimbabwe kubva kuSouth Africa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey