Kuda okunga zvibhakera

09 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
Kuda okunga zvibhakera Kudakwashe "Take Money" Chiwandire aina Clyde Musonda

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai yeWorld Boxing Council (WBC) Interim Title – Kudakwashe Memory “Take Money” Chiwandire – atanga gadziriro dzake svondo rino dzekuzosangana naYamileth Mercado wekuMexico.

Vatambi vaviri ava vacharwira bhande rina Mercado reWBC Gold mumutambo uchiri pakati pekurongwa.

Kutaura kuno, chikwata chaTake Money naMercado zvakamirira kupihwa gwaro neWBC kuti vachitanga kuita hurukuro dzekuronga mutambo uyu.

Murairidzi waTake Money arizve maneja wake, Clyde Musonda, anoti chikwata chavo chakamirira kunzwa kubva kuWBC kuti vochitanga rinhi kuita hurukuro nechikwata chaMercado.

Anoti apo vakamirira gwaro iri, vakatotanga kuita gadziriro dzemutambo uyu sezvo vari kuda kuti Take Money agare akagadzirira.

“Take Money akatanga gadziriro dzake svondo rino takatarisana nemutambo waMercado, kunyangwe zvazvo tichakamirira kunzwa kubva kuWBC nekuti ndivo vanotipa mvumo yekuti chitangai kuita hurukuro mushure mekuita ongororo yavo.

“Isu tiri kuda kugara takagadzirira nekuti patichasangana naMercado, Take Money anenge asiri kumirira Zimbabwe chete, asi Africa yose. Saka tinoda kutorera Mercado bhande rake riuye kuno,” anodaro Musonda.

Anoti kana hurukuro dzekuronga mutambo uyu dzikatanga, shuviro yavo ndeyekuti uitwe gore rinotevera munaKukadzi kana Kurume.

Musonda anoti murwendo rwekugadzirira mutambo uyu, vachaenda kunyika dzakaita seSouth Africa neNamibia kunoita gadziriro sezvo mutambo wavatarisana nawo uri mukuru.

“Sezvo mutambo wedu wekupedzisira apo takarwa naZulina Munoz waive uri munaGumiguru, tinoda kuti unotevera Kudah agorwa naMercado munaKukadzi kana Kurume.

“Asi, hunge hurukuro dzedu nechikwata chake dzikafamba zvakanaka.

“Tiri pakati pekuita hurukuro, tichaenda naKudah kunyika dzakaita seSouth Africa neNamibia tichinosimbaradza gadziriro dzake dzemutambo uyu nekuti nyika idzi dzine magym etsiva ane zvinhu zvose zvakakwana anobatsira kuti gadziriro dzedu dzifambe zvakanaka,” anodaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey