. . .kudai ndiri kumusha: Chigova

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
. . .kudai ndiri kumusha: Chigova George Chigova

Kwayedza

Abel Ndooka
MUBATI wepagedhi wemaWarriors nePolokwane City yekuSouth Africa, George Chigova, anoti zvakakosha kuti vatambi venhabvu vabatsire mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye anoshuvira kuti kudai panguva ino ari kumusha aine hama neshamwari.

Muhurukuro neKwayedza ari kuSouth Africa nemusi weChitatu chino, Chigova anoti kunyangwe zvazvo coronavirus yadzosera nhabvu kumashure nekuda kwekumbomiswa kwakaitwa mitambo pasi rose, zvakakosha kuti vatambi vabatsire kurwisa kupararira kwedenda iri.

Chigova anoti vatambi vazhinji venhabvu vari kuremerwa nekunge vasiri kutamba mutambo uyu uyo vanodisisa zvikuru.

Asi, anoti chinhu chakakosha parizvino kutevedzera mutemo wekuti vanhu vagare mudzimba uye chirwere ichi chisarambe chichipararira.

“Zvinorema kutadziswa kuita zvinhu zvaunodisisa, kutamba nhabvu asi chakakosha pari zvino hutano hweveruzhinji uye kugara mudzimba kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

“Isuwo sevatambi tinofanirwawo kutevedzera mutemo tichibatsira kurwisa kuti denda iri risarambe richipararira,” anodaro.

Chigova anoti panguva ino apo agere mumba make kuSouth Africa anoshuvira kuti kudai ari kumusha muZimbabwe aine mhuri yake uye madzisahwira ake.

“Nguva dzakaita sedzino ndipo munhu unoshuvira kunge uri kumusha une vadikani vako uye hama neshamwari. Asi, manje nekurambidzwa kwatakaita kufamba nekuda kwechirwere ichi, takangogara mudzimba tichingoshuvira kuti chipere tigokwanisa kudzokera kunotamba mutambo watinodisisa nemwoyo wese,” anodaro Chigova.

Mudunhu reSouthern Africa, nyika yeSouth Africa ndiyo ine vanhu vakawanda vabatwa vaine utachiona hwecoronavirus uyewo vakawanda zvakare vafa nekuda kwechirwere ichi.

 

Share This:

Sponsored Links