Uncategorized

Kudanana nemukadzi wemuridzi . . .

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Kudanana nemukadzi wemuridzi . . . Shown Masarakufa

Kwayedza

Ngoma ndiyo ndiyo

Kingstone Mapupu
MURUME wemuHarare wekubuda muKwayedza svondo rakapera paseri nenyaya yekuti sikarudzi yake iri kuramba iri “pahasha” zvichitevera kudanana kwaakaita nemukadzi wasahwira wake anonzi “ngoma ndiyo ndiyo” — hapana chati chasanduka.Shown Masarakufa (43) anogara mumusha weWestlea anonzi akadanana nemudzimai wasahwira wake, Thembo Mazvimbakupa, uye anobvuma kuti akashereketa nemudzimai uyu ndokubva zvinhu zvangomuipira.

Mazvimbakupa anoti mushure mekunzwa runyerekupe rwekuti mudzimai wake ari kudanana nasahwira wake, akafunga zvekumushandisira runyoka kana kuti rukawo zvikaita kuti sikarudzi yaMasarakufa “ipanduke”.

Murume uyu paakabuda muKwayedza svondo rapera paseri, akati ave nemasvondo matatu nhengo yake yakangodaro zvekuti iye haachakwanisa kana kufamba zvakanaka nekurwadziwa. Anoti zviri kuitika kwaari zvava kumutuma kuvirikidza mabhurugwa uye kufamba akaisa ruwoko mubhurugwa kuti veruzhinji vasaone.

Thembo Mazvimbakupa

Svondo rino, Kwayedza yakaridzirwa nhare nehama dzaMasarakufa dzichiti murume uyu ava kurwara zvakatonyanya kudarika zvaanga ari vachiti sikarudzi yake yakangodaro. Zvinonziwo dumbu rake razvimba.

“VeKwayedza ndimi makamboburitsa nyaya yehama yedu Shown nekuda kwenhengo yake, parizvino ave kuburitsa ropa neweti pamwe chete netsvina. Dumbu rake razvimba uye ava nemaronda,” anodaro mumwe murume anozviti ihama yaMasarakufa.

Masarakufa akazonzi auye panhare apo aitadza kuburitsa izwi zvakanaka nekurwadziwa.

Mazvimbakupa anoti ari kuda kuripwa nemombe gumi naMasarakufa dzekutorerwa kwaakaitwa mudzimai wake. Asi Masarakufa anoti haana chekubata, kana mbudzi zvayo.

“Akangoripa mombe dzandiri kuda anopora ipapo, ndizvo zvandakataurirwa nevakandipa mushonga wekumugadzira. Asi ndakanzi akangononoka, hazvizorapika hamheno zvake anofa.

“Handiti aizviita bhuru renyika kutora madzimai evanhu? Ngaachizvipedza oga ini ndinoda kuripwa mombe dzangu gumi,” anodaro muridzi wemukadzi.

Rosemary Charita

Varume vaviri ava vanoshanda vose sevavezi izvo zvakaita kuti vapanane nhare dzemadzimai avo kuitira kuzivisana mabasa.

Rosemary Charita (36), anove mudzimai waMasarakufa, anoti achaguma aenda kumba kwavo kana zvikaramba zvakadai nekuti zviri kuitika pamurume wake haachazvigona.

Mudzimai wasahwira waMasarakufa uyo waanonzi akadanana naye anonzi akatotiza akadzokera kumusha kwevabereki vake nekuda kwenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey