Kudenga nekugehena hakuna maShops

03 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa 
MARI yanetsa kunge Maths dzinonzi dzinodiwa asi vanhu vasina. Kunetsa kwemari kunoratidza kunetsa kunoita zvinhu zvinogadzirwa nevanhu. Mwari vakasika munhu, munhu achibva agadzira mari zvekutosvika pakuivakira dzimba dzinonzi mabhengi.

Mwari vakatisika kusina mari, kusina makombi, kusina mashopu, kusina fashoni kana airtime.
Munhu ndiye akasika mari, akasikawo nezvimwe zvinhu zvakawanda zvinoita kuti kana usina mari unzwe kupfupika sechidhori.

Zvave kutoita sekuti kana tisina mari tinofa, asi dai mari ichiraramisa, dai vapfumi vane hupfumi hunopfungaira hutsi vasina kufa.

Zuva chairo haridoke mari isina kutaurwa, isina kurwirwa, isina kubiwa. Unonzwa vanhu vachiti: Handina mari ini.
Ane mari yangu. Mari yacho ishoma. Zvinhu zvacho zvadhura. Imi, mari yacho inobva kupi?

Hadzisi kupera hurukuro dzemari. Nguva dzakadai, nguva dzekushayikwa kana kusakwana kwemari, chenjerai kupinduka muchiita zvikara.

Munguva dzakadai, vakakwereta havachada kudzosera, uye vari kuba vave kuwanda. Munguva dzakadai, vaye vaimbove nemari vave kufunga mari yavaimbove nayo isisipo.

Chave kundinetsa ndechekuti iwewe paunoti “pane munhu ane mari yangu,” kana kuti, “kana ndapihwa mari yangu ndichazoita zvakati nezvakati,” uri kuziva here zvauri kutaura? Mari yaunoti yako, nyangwe iri yawakakweretwa kana kuti yawakashandira, ndeyako zvechokwadi here?

Tinoudzana kuti mari ndeyedu, asi chokwadi chaicho ndechekuti hapana muridzi wemari. Mari yauri kuti ndeyako haisi yako nekuti kune kwayakatomirirwa nevamwewo vari kuti imari yavo, asi vasingazive kuti naivowo havasi varidzi vayo.
Neniwo mari ndinoida, asi handidi kuita muranda wayo.

Handidi kuda mari kudarika Mwari. Ndinotya kuda mari nekuti Mwari vachitaura pamusoro pemari vakati, “nekuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvese; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.”
Kana mari iri mudzi wezvakaipa, ndinotya kuita hunde, mapazi, mashizha nezvibereko zvemari.

Munguva dzakaita sedzino dzekuti mari yave kutishayisa hope, ndinoti rarama semwana waMwari kwete semwana wemari. Ita zvaunokwanisa, kwete kukwereta wivhi kana mari yekudira peturu. Bhadhara mari dzeRent, school fees nekwawakavimbisa kubhadhara. Bhadhara pawakati uchabhadhara.

Rega kuramba uchikwereta nekuti mhezi dzechikwereti dzinovava zvekuti ukakwenya unoita maronda. Usararame hupenyu hwekushamisira nekuonererwa – kuda kuti vanokuona vati zvako zviri kufaya asi uchimononoka setishu kuti ushandiswe.
Kana uri muKristu, nyangwe usiri muKristu, usatenge zvinhu zvaunoziva kuti hazvisi zvako. Usamanikidzire kuendesa mwana kuchikoro chekuti uzomubvisa kana kumunyadzisa ave kudzingwa. Gara kwaunokwanisa kubhadhara rent. Idya chikafu chaunokwanisa. Dzidza kuzvishandira, kana mvura yanaya rimawo kamunda kadiki urege kutengawo nehupfu chaihwo.

Kana pasina mari, usade kupinza Mwari muchikwereti uchiti pachazoitika munana nekuti uri mwana wemuporofita. Kana usina hauna, uye haufe. Zvizhinji zvatinoshayira hope, uye zvizhinji zvatinotenga asi tinozoona kuti hazvina basa kana tazvitenga, tave nazvo.

Usarege mwoyo wako uchibvarurwa sepeji mubhuku, kana uchivharirwa mubhegi rezvinhu. Kana dziri hembe, dzichazongobvaruka. Kana kuri kutsvagwa kwemari, kuchazongoshaya basa nekuti kudenga kana kugehena kwese hakuna maShops nekushamisira.

Bhaibheri rinototiyambira kuti, “Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nekuti Mwari akati: “handingatongokusiyei; handingatongokuraseyi.”

Asi kana iri mari haina tsitsi, inokusiya nekukurasisa nekuti mari haisi Mwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>