Kudyiwa muma’pena’ inenge njuga: Ndiraya

19 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Kudyiwa muma’pena’ inenge njuga: Ndiraya

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIKWATA cheDynamos FC chakaburitswa mumutambo weChibuku Super Cup neFC Platinum zvichitevera kukundwa kwachakaitwa 4-2 kumapena apo mutambo wainge wapera uri mangange 0-0 nezuro.
Aka kave kechipiri Dynamos ichiburitswa neFC Platinum padanho iri sezvo yakaburitswa zvekare mumutambo wegore radarika.

Achitaura zvichitevera kukundwa kwakaita chikwata chake, murairidzi weDeMbare, Tonderai Ndiraya anoti zvinovarwadza zvakanyanya.

“Zvinorwadza, ukatarisa basa rainge rwaitwa nevakomana uye matambiro avaita mumutambo uyu.
“Zvinorwadza kuti mutambo uyu wakazosvika kumapena. Mapena anonetsa, anenge njuga.
“Asi zvinowanikwa mumutambo. Tatamba zvakanaka mumamitsi 90. Zvinorwadza kukundwa mutambo nenzira iyi. Zvinowanikwa mumutambo, asi tingaitei?” anodaro Ndiraya.

Mune mumwe mutambo wakatambwa nezuro, Black Rhinos yakakunda Chicken Inn 11-10 kumapena mushure mekunge mutambo wavo wapera uri mangange 1-1, kuchitiwo Bulawayo Chiefs yakakunda Highlanders 1-0 mumutambo wakatambirwa kunhandare yeBabourfields.

Zvichitevera kupera kwemitambo yequarter-final, draw resemi-final rakabva raitwa iro rakaona FC Platinum ichipihwa Herentals kuchiti Black Rhinos ichasangana neBulawayo Chiefs.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey